Mutambo wepool wadzoka nemutsindo

Abel Ndooka

MUTAMBO mukuru weCarling Black Label National Pool Tournament wadzoka zvine mutsindo uye gore rino zvikwata zvinobva kunzvimbo dzinoti Plumtree, Chegutu, Nyanga neKariba zvichange zvichipindawo mumakwishu aya.

Mutambo uyu unorongwa neZimbabwe Pool Association (ZPA), ichikotsverwa neCarling Black Label.

Shasha dzinotamba pool munyika dzakatotanga kubandana mumitambo yematunhu (regional games), vachirwira kusvika kufainari, iyo ichazotambwa musi wa9 Nyamavhuvhu.

Gore rino, vachahwinha mumutambo uyu, mumakwikwi evarume nemadzimai, vachawana mari inosvika US$2 500 nepool table.

Nekune rimwe divi, achapedza ari pechipiri achahwinhiswa US$1 500, wechitatu achiwanawo US$1 000 uye wechina achaenda kumba neUS$500.

Muchinyorwa chakabva kuDelta Beverages, iyo iri kukotsvera mutambo uyu kuburikidza neCarling Black Label, kambani iyi inoti gore rino iri kutarisira kuona vatambi vakawanda — varume nemadzimai — vachiuya kuzotamba.

Delta Beverages inoti iri kushanda zvakasimba kusimudzira mutambo uyu pakati pevechidiki, yakabatana neZPA.

“Kwemakore akawanda, tange tichishanda pamwe chete neZimbabwe Pool Association kuronga mitambo iyi, naizvozvo zvange zvichiita kuti mutambo uyu usimukire pane vechidiki.

“Mutambo uyu uri kuita zvakare kuti mabhawa akasiyana-siyana uye mabottle store zvive nzvimbo dzinotandarirwa nevanhu vachitamba pool, naizvozvo uchabatsira vanamuzvinabhizimisi kuti mabhizimisi avo akure.

“Gore rino, tiri kutarisira kuona kukura kwemutambo uyu kwese, kuvanhurume nemadzimai, apo vachange vachirwira mibairo yakasiyana-siyana,” inodaro Delta.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *