DeMbare ingabude here paFC Platinum?

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwi anonzwa kuMandava Stadium, kuZvishavane, nemusi uno weSvondo apo FC Platinum neDynamos zvichatatsurana mumutambo weCastle Lager Premiership.

Uyu ndiwo uchange uri mutambo mukuru wematchday 17.

Pure Platinum Play, rinova zita remadunhurirwa reFC Platinum, iri kupinda mumutambo uyu ichangobva kusangana neHerentals College FC munhandare yeRufaro nemusi weChitatu.

DeMbarewo ichange iri pamusha payo kuRufaro nemusi weChina, ichitatsurana neYadah FC.

Zvikwata zviviri izvi pazvichipedza mitambo yemuHarare zvichatungamidzana zvakananga kuMandava Stadium musi weSvondo.

DeMbare, iyo yave kurairidzwa naSaul Chaminuka, inofanirwa kutosunga dzisimbe nekuti payakamira palogo rePremier Soccer League (PSL) hapana kunaka.

Dynamos ikasatanga kuwana zvibodzwa zvakawanda pari zvino ine mukana mukuru wekuburitswa muPSL, yoenda kuDivision One gore rinotevera.

FC Platinum

Nekune rimwe divi, FC Platinum mwaka uno chimwe chezvikwata zviri kunetsa kukunda. Ikaramba ichishanda nesimba inogona kusimukira kuenda pamusoro pane zvimwe zvikwata zviri kutungamira palogo.

Shasha yePSL yemwaka wadarika — Simba Bhora — ichange iri kuHeart Stadium muHarare ichitamba neYadah Stars nemusi weSvondo.

Simba Bhora mwaka uno iri murwendo rwekurwira kuchengetedza mukombe wayo wePSL ichibandana nezvikwata zvinoti MWOS FC neScottland FC.

Rwendo rwacho ruchiri rurefu asi zvikwata zvitatu izvi zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

Yadah inofanira kutorwa semvumba kuti isimukire palogo nekuti haisi kunyatsotamba zvinodakadza.

Mune mumwe mutambo mukuru wekutarisira svondo rino, MWOS FC, iyo iri kutamba zvinonakidza mwaka uno, ichananga kuBaobab Stadium kunosangana neNgezi Platinum Stars nemusi weSvondo kekutanga muPSL.

MWOS iri kupinda mumutambo uyu yabva kusangana neCAPS United kuNgoni Stadium nemusi weChina. Madamburowo yakaenda kuLuveve, kuBulawayo, kunosangana neChicken Inn musi weChitatu.

Mune mimwe mitambo iriko, Scottland ichange iri kuRufaro musi weMugovera, uko ichasangana neTelOne, iyo iri kutambawo nhabvu inonwisa mvura.

Nekutatarika kwayaiita mwaka wadarika, chikwata chaHerbert “Jompano” Maruwa chiri kushamisa vatsigiri venhabvu vazhinji nekutamba nhabvu yepamusoro, izvo zviri kuita kuti chinge chichitambira muTop 4 kusvika pari zvino.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *