Mutambo wezizama worongwa

SANGANO reZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union rakasangana svondo radarika musi weMugovera kuGweru apo raiita gadziriro dzemutambo weZimbabwe-Zambia-Malawi (ZIZAMA) Games uyo uchatambirwa muno gore rinotevera. Zimbabwe ndiyo yakapihwa chiremerera chekuronga mutambo uyu, uyo uchaona zvikwata zvekuZambia neMalawi zvichiuya kuzobandana nezvemuno mumitambo inoti nhabvu, netball, volleyball, basketball, judho, tsiva, golf nemujaho wekumhanya.

Mutungamiriri weZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union, iyo inozivikanwa seZITISU, Martin Zibwi, anoti svondo radarika vakakurukura pamusoro pebhajeti remari inoda kuzoshandiswa pamakwishu aya.

Mitambo iyi inokwikwidzwa nemakoreji anodzidzisa varairidzi, mapolytechnics pamwe nemayunivhesiti.

“Musangano wedu wakafamba mugwara chairo, takagadzira bhajeti iro rakataona kuti richatibatsira kuronga mutambo weZIZAMA uyo uchatambirwa muno gore rinotevera. “Tisu takapihwa chiremerera chekuronga mutambo uyu saka ticharonga uchanakidza zvikuru.

“Bhajeti takarigadzira iro ratakaona kuti ringatibatsire kuronga mutambo uyu uye ticharitumira kubazi rezvemitambo pamwe nekumasangano akasiyana kuti rigonopasiswe.

“Kana rabvumwa kuti rinoita, aiwa tinenge tave kufambisa basa sebasa,” akadaro Zibwi.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×