Mutendi Primary yave nebhodhingi

CHIKORO cheMutendi Primary School, icho chinotungamirirwa naBishop N. Mutendi, chichange chave nebhodhingi kutanga muna Ndira gore rinouya.

Chinowanikwa papurazi riri chinhambwe chemakiromita 50 kunze kwedhorobha reMasvingo mumugwagwa mukuru unobatanidza Masvingo neMutare.

Chikoro ichi chakavakwa nenzira inoita kuti vana vadzidze vakasununguka uye chine makamuri anogara vadzidzi emhando yepamusoro.

Mutendi Primary haina rusarura pakutora vana vanodzidzapo sezvo isingatarise zvitendero kana machechi avanopinda.

Mari inobhadharwa pakudzidza kwevana yakareruka zvikuru.

Chikoro ichi chiri kudzidzisa zvidzidzo zviri mugwaro idzva reNew Curriculum zvakadai seAgriculture, ICT neMass Displays. Mitambo inoitwa paMutendi Primary inosanganisira baseball, chess, basketball, handball, netball pamwe nenhabvu.

Pachikoro apa pane kamuri inodzidzirwa nevana vane matambudziko ekuona zvakanaka.

Kubvira makore adarika, Mutendi Primary ine mukurumbira munyaya dzekubudirira kwevana muzvidzidzo, mumitambo inosanganisira yetsika nemagariro pamwe nekubura vadzidzi vane hunhu hunoyemurika.

Chikoro ichi chine shuviro yekuramba chichisimukira munyaya yedzidzo uye chine vadzidzisi nyanzvi mukufundisa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×