Trust Khosa naLangalihle Mhiti
MUIMBI wemusambo weAfro-Jazz anogara kuUnited Kingdom uyewo ari mushandi wemabasa anobatsira veruzhinji, Tich Mutodi, orumbidza vaimbi vemuZimbabwe avo vanosanganisira mushakabvu Oliver ‘Tuku’ Mtukudzi, Thomas ‘Mukanya’ Mapfumo naAlick Macheso.
Muhurukuro neZimpapers Arts and Intertainment Hub ari kuzororo kumusha kwake kuBikita kuMasvingo, muimbi uyu anorumbidza vaimbi ava nekuda kwekusimudzira misambo yemimhanzi yemuno.
Anoti vamwe vaimbi vemuno vanofanirwa kutevedzera tsoka dzevaimbi ava vachidzidza zvakanaka kubva kwavari sezvo mhanzi yavo yatekeshera nepasi rose.
“Ndinofara nekurumbidza kuti ndiri muimbi wemunyika muno sezvo tichiita mukurumbira kune dzimwe nyika dzepasi rino,” anodaro Mutodi.
“Munyaya dzemimhanzi, tine zvakawanda zvekudzidza kubva kuvaimbi ava vanoti Tuku, Mukanya naMacheso nekuda kwekusimudzira misambo yemhanzi yemuno, vanorumbidzwa kune dzimwe nyika pasi rino vachifarirwa neruzhinji rwedzimwe nyika,” anodaro Mutodi.
“Vatatu ava vakapinda munyika dzose dzepasi rino nekuda kwemisambo yavo yakakwenenzverwa saka ikurudziro yangu kuti vamwe vaimbi titevedzere tsoka dzavo. Hatina nguva yekuti tivatarisire pasi nekuti vane matsimba avakaisa munhoroondo yatisingatarisire pasi,” anodaro Mutodi.
Anoti anonzwa manyukunyuku kana mhanzi yake ichiridzwa kunzvimbo dzakaita sekuLondon, achiti nziyo dzaMacheso dzinofarirwa nekuridzwa zvikuru nevatyairi mudzimotokari dzavo kumhiri kwemakungwa.
“Ndakanzwa kufara zvikuru ndichinzwa mhanzi yaMacheso ichiridzwa mudzimotokari dzevachena. Sungura yaimbotarisirwa pasi muno asi vekunze vachiifarira zvikuru,” anodaro Mutodi.
Anoti Mukanya anofarirwa zvakanyanya kunze kwenyika nekugona kuunganidza vanhu vemarudzi ose nemimhanzi yake pasi rose.
Mutodi anoti zvichitevera kubura kwaakaita kambo kake kanonzi “Tariyambuka”, anotarisira kuita mukurumbira nako pasi rose nekuda kwekutambirwa uko kari kuitwa.
“Ndakatanga nyaya dzekuimba sekufara uye sedambe ndichiita basa rangu rekubatsira veruzhinji ndikazoona kuti mhanzi yangu yaidiwa nevanhu vakawanda. Vatsigiri vangu kuUK vanonditaurira kuti ndiite mashoo izvo ndiri kutarisa kuita zvido zvavo munguva pfupi iri kutevera,” anodaro Mutodi.
Muimbi uyu, uyo akabura nziyo (singles) mbiri gore rakapera dzinoti “Zvakaramba Mwana Wamai Vangu” na“Terera Katatu”, anoti amirira kuburitsa dambarefu gore rino.
“Ndiri mubishi kupedzisa dambarefu rangu idzva randichaburitsa gore rino nekuda kwekufarirwa kwemhanzi yangu uyewo ndiri kuronga kuburitsawo mavhidhiyo sehurongwa hwangu hwegore rino. Ndichazama kuvhevhetedza vamwe vaimbi vari kunze kuti vapote vachidzoka kumusha ,” anodaro Mutodi.
Muimbi uyu, uyo anova muzvinabhizimisi achiita basa rekuvaka zvakare kuBikita kuMasvingo, anokurudzira vamwe vari mhiri kwemakungwa nekune dzimwe nyika kuti vadzoke kumusha kuzosimudzira matunhu avanobva.
“Tinogona kunge tichigara zvakanaka kunyika dzatiri asi hatifanirwe kukanganwa kwatinobva nekuti ndiko kwatinovigwa kana tazofa. Pane zvose, ngatizivei kuti tinobva kumusha saka ndinoona kuti ndauya kumusha nguva dzose,” anodaro Mutodi.
Anoti panguva yaanouya kumusha, anoita mabasa akasiyana akadai sekufudza mombe, kusakura nekutsvagawo huni musango nevamwewo vanhu, kusanganisira nehama dzake.
Mutodi anoti mamiriro enharaunda yekumusha anoita kuti pfungwa dzake dzitambanune nekuona zvinhu zvitsva.
“Ndakava nezororo rakanaka sezvo ndakawana mukana wekuonana nemasahwira angu nevandakadzidza navo uyewo nguva nenguva zvinodiwa sezvo zvichibatanidza ukama kuvanhu sezvizvarwa zvemuZimbabwe,” anodaro Mutodi.




