Mutongi Zvaipa oti zvamuipira

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekupfimba musikana ndokurambwa anoti musikana uyu nemukoma wake vave kurwa shanje yekuti asawane waanodanana naye zvisinei nekuti iye akamuramba.

Mutongi Zvaipa akamhan’arira Patience Mukonoweshuro kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza pamwe nekugara achikanda marara pamba pake.

“Mudzimai uyu muvakidzani wangu, taitombogara tose zvakanaka asi dambudziko rakazouya pandakakanda shoko rerudo kumunin’ina wake waaigara naye muna2013 akandiramba. Zvino vave kuti vakandiona ndiine vamwe vasikana vanondituka nekutukawo vasikana ivavo,” anodaro Zvaipa.

Anoenderera mberi: “Vakandinzwa ndichitaura nevasikana pafoni pangu vanondikandira marara kumba kwangu zvekuti ndava kutotadza kuzvitsvagira vasikana asi munin’ina wavo akandiramba. Hameno kuti vari kuda kuti ndiite sei.”

Zvaipa anoti rimwe zuva Mukonoweshuro akamunzwa achitaura nemusikana ndokubva ashevedza munin’ina wake uyo akauya kuzotsvaira pamba pake sekunge ndiye mudzimai wake.

Achitaurawo divi rake, Mukonoweshuro anoti haasati ambotuka Zvaipa asi kuti ndiye anotomutuka achimuti muroyi zvekuti haasisina chimiro munharaunda yavanogara.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaZvaipa achiti hapana umboo huzere hwekuti ari kushungurudzwa.

“Vakapfimba munin’ina wangu ari Form 3 ndikavati aita mudiki uye iye akatiwo haavade nekuti munhu mukuru. Ndakaenda kuna baba ava ndikavabvunza vakati hazvisisina basa nekuti vakarambwa, asi kubva ipapo vakatanga kunditi muroyi, hanzi ndini ndakauraya baba vavo.”

Mukonoweshuro anoti munin’ina wake haasiriye akatsvaira pamba pa- Zvaipa asi kuti musikana wake webasa.

“Uye zvekuti ndakadaidza munin’ina wangu kuti auye kuzotsvaira manyepo nekuti munin’ina wangu akatoroorwa, haagare pedyo nesu. Akatsvaira musikana wangu webasa aisaziva kuti chivanze changu chinogumira papi,” anodaro. Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaZvaipa achiti hapana umboo huzere hwekuti ari kushungurudzwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *