Mutori wenhau otyisidzirwa

Tawanda Mukuruzado
Tawanda Mukuruzado

Kwayedza svondo rapera yakaburitsa nyaya yaTawanda Mukuruzado (31), wemubhuku raDera, kwaChikwaka, uyo amera chinhu chirefu chinenge rembe kana kuti muchochororo wetoki kana kuti garakuni pachirebvu chake.NYAYA yemurume wechidiki uya wekwaChikwaka, wekunzi ari kumera chinhu chinenge rembe kana kuti muchochororo pachirebvu chake mushure mekupomerwa kuti iye nemumwe wake vakaba matoki aive akagadzirwa nemushonga, yave nepamwe zvichitevera vamwe vanhu vave kutyisidzira munyori wenyaya iyi.

Zvisinei, murume uyu ari kuramba kuti akaba matoki sezviri kutaurwa, achiti akaroyiwa nehama yepedyo.

Tawanda anonzi iye nemumwe wake akangozivikanwa nezita rekuti Bhabhu vakaba matoki emumwe mugari wemunharaunda yavo ayo anofungidzirwa kuti aive akapingwa nemushonga.

Bhabhu anonzi akazonokumbira ruregerero apo akanzwa muviri wake worwadza asi Tawanda haana.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi muKwayedza, munyori uno ari kufonerwa pamwe nekutumirwa mashoko panhare yake nevanhu vasingazivikanwe achityisidzirwa.

Vanhu ava vari kushandisa mitsara (lines) yenharembozha inoratidza kuti haina kunyoreswa zviri pamutemo.

“Ehe-e ndiwe Muchaneta unoita zvekutapa-tapa nhau, tichakugadzirisa uye tinoziva paunoshandira nekwaunogara,” akadaro mumwe murume uyo akashandisa nhamba dzinoti 0734 226 554.

Munyori uno akakumbira kuziva munhu uyu asi akaramba kudura zita rake.

Vanozviti ndisekuru vaTawanda, vanoshandisa nhamba dzinoti 0777 139 465 vakatumirawo mashoko paWhatsApp yemunyori uno vachiti: “Unofambira zvekupesanisa hama sister Muchaneta? Sei kutapa nhau makahwanda nekubatsira munhu. Tsotsi iri rakatongwa kupi nemhosva iyi? Zvimwe tangai mabvunzisisa vehukama nekuti munogona kukonzera zhowe-zhowe muraini.”

Zvakadaro, munyori mukuru kusangano rinomirira vatori venhau, reZimbabwe Unoin of Journalists (ZUJ), VaFoster Dongozi, vanoshora zvikuru nyaya dzekurohwa nekutyisidzirwa kwevatori venhau panguva yavanenge vachiita basa ravo vachiti uku kutyora mutemo nekuti vane kodzero yekuita basa ravo vakasununguka.

Vangade kubatsira Tawanda vanokwanisa kufonera ambuya vake, Nelisa Jackson, panhamba dzinoti 0733 067 539.

 

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×