Mutumbi wakawanikwa mumugodhi

Muchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuferefeta nyaya yemutumbi wemunhurume uyo wakawanikwa uri pamusoro pemvura mutsime paimwe imba iri kuSouthlea Park, muguta eHarare, nemusi weChishanu svondo rapera.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nezvenyaya iyi.
“Muyambiri panyaya iyi ndiViolet Mumvuri (21) anova mwanasikana wemufi, Tawedzerwa Mumvuri (45), anoti akabva pamba apa achisiya baba vake vari voga. Zvinonzi paakazodzoka kubva kubasa kumanheru, haana kuona baba vake.

“Ava mangwana acho mangwanani, vakatanga kuvatsvaka asi vakavashaya. Mwana uyu akazotarisa mutsime ndokuona rata rinoshandiswa kuvhara rakawira mukati zvikaita kuti akahadzike nekuva nefungidziro,” vanodaro mapurisa.

Insp Mwanza vanoti mwana uyu akazodongorera mumugodhi ndokuona mutumbi wababa vake wakayangarara pamusoro pemvura.

“Akabva azivisa vamwe vavakidzani vake, mushure ndokunomhan’ara kumapurisa ekuSouthlea Park vanova vakanyurura mutumbi uchibva waendeswa kumochari yechipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

‘‘Pane fungidziro yekuti murume uyu anogona kudaro akapondwa nokudaro pari kuitwa ongororo,” vanodaro.

Insp Mwanza vanokurudzira veruzhinji kuti kana vakachera matsime, vapote vachiavhara zvakanaka kuitira kudzivirira tsaona dzekuwira kwevanhu.

Munyaya inodyidzana neiyi, mumwe mwana ane makore maviri ekuberekwa svondo rapera akawira mumugodhi wevavakidzani uyo wainge uzere mvura uye usina kuvharwa kuUnit P, Chitungwiza.
Ongororo yakaitwa neKwayedza munzvimbo dzakasiyana kusanganisira Chitungwiza yakaona kuti migodhi mizhinji iri kungosiiwa isina kuvharwa izvo zvine njodzi kupwere nevanhu vakuru.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×