Muchaneta Chimuka
PANGUVA iyo nyika iri mushishi kurwisa chirwere cheCovid-19, kune vamwe vanhu — kusanganisira vemachechi — vasiri kutevedzera matanho akatarwa neHurumende ekudzivirira kupararira kwedenda iri izvo zvine njodzi huru sezvo zvichiisa utano neupenyu hweruzhinji panyatwa.
Ongororo yaitwa neKwayedza muguta reHarare, Chitungwiza, Mutare, Macheke neMarondera inoratidza kuti vemachechi kunyanya vachiri kuita misangano yavo yemasikati nemanheru vakawanda zvisinei nekuti Hurumende yakarambidza nyaya dzekuungana kwevanhu pazvirongwa zvose kusara bedzi kweparufu apo vanhu 30 chete vari ivo vanotenderwa.
Mamwe mabhawa ari kutotengesa zvekare doro pachena, vamwe vanhu vachionekwa vachitamba tsoro nemimwe mitambo yekubhejerana vasina kupfeka mamasiki. “Vemachechi vanonetsa zvikuru nekuti kana vakatandaniswa masikati, vanogona kuita chiverevere vokokana pamaWhatsApp avo vachinonamata husiku. Vamwe havatodi zvemasanitizer pamakereke avo saka Hurumende inofanira kutomboita ongororo yakasimba pamwe nemapurisa kumisangano yose iri kuitika iyi kuti imiswe,” vanodaro VaJoseph Chikovo vekuWaterfalls, muHarare.
VaJohn Munatsi vekuMasvingo vanoti Covid-19 ichiriko, nekudaro veruzhinji vanofanira kudzidza kunamata vari mudzimba pane kuisa upenyu hwavo panjodzi.
“Kuno kuMasvingo kune vanhu vakawanda vanoenda kunyika yeSouth Africa vachipoya miganhu nekuti vanenge vasina mapasipoti saka mikana yekuunza mhando dzeCovid-19 yeko inowanda. Zvakakosha kuti vanhu vawaniswe dzidziso maringe nekuipa kwenyaya dzekuungana uye kupoya miganhu yenyika,” vanodaro. Talent Chandipwisa wekuGlen Norah A, muHarare anotiwo vemakereke, zvikuru echipositori, vari kurara kumisangano nehuwandu hwavo.
“Kuno kune mapani akabva kurimwa saka ndiwo ava kushandiswa semachechi nemapositori zvekuti vanototakura huni votopedza mazuva vari panzvimbo imwechete vachinamata. Vanhu vanobva kumatunhu akasiyana vanouya vachinamatirwa vachibatwa misoro yavo nemaoko asina kuzorwa sanitiser. Zvekuti kupfeka mamasiki izvo zviroto chaizvo,” anodaro.




