Mutumbi wemunhu wakapiswa nekubviswa nhengo

Kingstone Mapupu

MAPURISA emuHarare vanoti vakawana mutumbi wemudzimai asati azivikanwa mumugwagwa unobva kuCleveland Park, kuMsasa uchienda kuMabvuku uyo wainge wakapiswa uyewo wakabviswa dzimwe nhengo dzemuviri.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Repubic Police (ZRP) mudunhu reHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanoti mutumbi uyu wakaonekwa nemudzimai ane makore 38 okuberekwa uyo aifamba nekamugwagwa kemusango akazosvitsa nyaya iyi kumapurisa.

“Nemusi wa21 Chikumi nenguva dza0730 hours tine mudzimai wemakore 38 ekuberekwa aifamba nekamugwagwa kemusango kanobva kuCleveland kuMsasa kachienda kuMabvuku, uyo akaona mutumbi wemunhukadzi waiva wakapiswa wakatarisa pasi parutivi pemugwagwa uyu, akabva aenda kunozivisa mapurisa ekuMabvuku,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoti mapurisa akaenda panzvimbo iyi vakaona kuti dzimwe nhengo dzemutumbi uyu dzinosanganisa muromo wepazasi dzaive dzakabviswa uyewo pachifuva pakaboorwa nechinhu chakatesva kuratidza kuti mutumbi uyu wakanga wakabviswa mwoyo nezvimwe mukati mechipfuva.
Zvakaonekwa zvakare kuti pazasi pemutumbi uyu paiva nechigero nechipunu zvinoratidza kuti zvaishandiswa mukuchekwa kwenhengo dzakabviswa pamutumbi uyu.

“Mutumbi wemudzimai uyu wakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals kunoongororwa nanachiremba. Tine fungidziro huru yekuti mudzimai uyu akapondwa mumabasa ane chekuita nekuchekeresa,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyaya dzekupondwa kwevanhu dzinosuwisa zvikuru. Tinokumbira kune veruzhinji vanoziva nezvenyaya iyi kuti vazivise mapurisa ekuMabvuku kana vamwe vari padyo navo kuti mutumbi wemudzimai uyu uzivikanwe kuti ndewani uyewo kuti vakapara mhosva iyi vasungwe,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoti semapurisa vari kushushikana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzekupondwa kwevanhu dzine chekuita nekuchekeresa.
“Tinogara tichitaura kuti vanhu ngavasafurirwa kuti ukachekeresa bhizimisi rako rinofamba kana kuti zvinhu zvaunoita zvinobudirira, unoguma wasungwa chete woenda kujeri nekuti mhosva hairovi,” vanodaro Insp Mwanza.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×