Mutupo: Moyo Wadyegora

Maita Wadyegora,

Evo, Moyo, mwana waRusike,

Maita vari Dombotombo.

Kuziva zvenyu vari mazave,

Maita zvenyu vari Mandoga,

Kurere ‘andu naNherera.

Maita varere Mahwemachena,

VokwaMuzarabani, vari Shangura,

Vari Chikombero, vari Dudzu,

Wadyegora wadye Mangava,

Hwedza rinokudyawo,

Mukonde wangu yuyu,

Zvaitwa vahombarume vari Nhumbe.

Aiwa zvaonekwa Moyo,

Wadyegora,

wokwaRusike,

Varere kuMatumbaarira neBinda.

Aiwa tatenda vana vaMuzarabani.

A. C Hodza – UZ Department of African Languages

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×