Mutyairi wekombi haacheuke mhuri

MUTYAIRI wekombi wekumhan’arirwa kudare nemukadzi wake achida $150 yemendenenzi pamwedzi akachema-chema achiti mari iyi yakawandisa, haana basa chairo raanoita sezvo achingoti “chamuka inyama”.
Alice Chikweto (26) akaendesa Anorld Chikweto kuHarare Civil Court achida mendenenzi yekuchengeta mwana wavo mumwe chete achiti murume wake ava kutozviita jaya achikanganwa kuti ane mhuri.

“Changamire baba ava vari kuda kuita upenyu hwejaya vachikanganwa kuti vane mwana anoda kuriritirwa.

Handirambi kuti vanhu vanorambana asi kutadzirana kwedu hakufanire kusafisa vana,” akadaro Alice. “Handifungi kuti munhu anotyaira makombi angatadze kuchengeta mwana wake nekuti pamwedzi anotobata mari inokwana $320.

Kana mukamutarisa mwana wacho munotorwadziwa kuti sei mwana uyu akadai iye ane vabereki vese. Ini hangu handishandi saka ndashingirira kuuya kuno,” akadaro Alice. Arnold akati aikwanisa kubhadhara $35 chete.

“Ha-a, mari yaari kutaura ndeye munhu anongotaura asingazivi kunetsa kuri kuita kuwana mari. Changamire, ndinokwanisa $35 chete nekuti handina basa randinoti nderangu, ndinoita rese-rese, chamuka inyama. Hongu ndinotyaira kana ndikawana asi pari zvino handisi,” akadaro Anorld. “Mufunge kuchengeta mwana hakudi mubereki mumwe chete kuti aite zvese kunyangwe ndiri baba vemwana hangu. Iye anofanira kuwana chikamu chaanoitawo.

Kushaya chaanoita kureva kuti neniwo ndinogona kushayawo zvinobva zvatidzosa pakuti mari iri kunetsa kuwana.

Ndokumbira kuti dare rindinzwewo mari yandataura kuti ndikwanisa kubhadhara,” akadaro. Mutongi Barbra Masinire akati Anorld abhadhare $50 pamwedzi ndokuudza Alice kuti semuberekiwo anofanira kuwana chaanoita pakuchengetwa kwemwana.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×