Muzarabani adomwa pakati peshasha dzeWorld Cup

Abel Ndooka

MUTAMBI wechikwata chenyika checricket chemaChevrons — Blessing Muzarabani — akadomwa kupinda muchikwata chakatamba zvinonwisa mvura kumutambo uchangopera weICC Men’s T20 World Cup, uyo waitambirwa kuIndia neSri Lanka.

Mutambo weWorld Cup uyu wakazohwinhiwa neIndia, iyo yakakunda New Zealand ne96 runs mufainari, iyo yainakidza zvekukunda ngoma kurira.

Muzarabani akatamba zvainwisa mvura apo Zimbabwe yakakwanisa kusvika kudanho reSuper Eight remutambo uyu.

Izvi zvakazoita kuti apedze ari pechitatu pamabowler akatora mawicket akawanda kumutambo uyu uye kuzosarudzwa kupinda muchikwata cheICC Men’s T20 World Cup 2026 Team of the Tournament.

Muzarabani akatora mawicket 13 pamitambo yose yaakatamba ari muchikwata chemaChevrons kuWorld Cup, ndokupedza ari kumushure kwaJasprit Bumrah naVarun Chakaravarthy veIndia, avo vose vakatora mawicket 14 mumitambo yakasiyana.

KuWorld Cup, Muzarabani akatamba mumwe mutambo waakarumbidzwa zvikuru paakatora mawicket mana, ndokungorohwa marun 17 chete apo Zimbabwe yakakunda Australia murwendo rwavo rwekuenda kuSuper Eight.

ICC Men’s T20 World Cup Team of the Tournament:

1. Sahibzada Farhan

2. Sanju Samson (wicketkeeper)

3. Ishan Kishan

4. Aiden Markram (captain)

5. Hardik Pandya

6. Will Jacks

7. Jason Holder

8. Jasprit Bumrah

9. Lungi Ngidi

10. Adil Rashid

11. Blessing Muzarabani

12th player: Shadley van Schalkwyk (USA)

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *