Mvura yageza zvitunha…hazvina kusiyana nekuroya’

Munyori weKwayedza
DZIMWE nyanzvi dzezvechivanhu dzinoshora maporofita nen’anga avo vanonzi vari kushandisa weti yavo nemvura inogezeswa zvitunha mukushandira vanhu vanenge vaine matambudziko akasiyana.Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti nyaya yekushandiswa kwemvura yezvitunha inoitwa zvakanyanya nemaporofita nen’anga avo vanowana simba ravo kubva mukuromba.

“Variko vanoita izvi, uku handi kurapa kunopedza matambudziko asi kuti dambudziko rinopera kwenguva duku richizodzoka rasimba nekuti iwe munhu wadirwa mvura yechitunha chemutorwa watotorana nemweya wemufi,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Friday Chisanyu vanove mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association vachiti kune maporofita nen’anga vanodaro, asi mutemo wekurapa kwechivanhu haubvumire zvakadai nekuti hazvina kusiyana nekuroya.

Kuchiti Mbuya Alice Masoko Kwenda (66) vekuLochnvar, muHarare, vanotiwo izvi zvinoitwa nen’anga nemaporofita vanoshandisa mweya yevanhu vakafa kusimbisa basa ravo.

“Vanouya pano ndichivabatsira vanhu vanenge vagezeswa mvura dzezvitunha vaane matambudziko uye vave kumukirwa nemweya yevanhu vane mvura dzavakagezeswa. Uku hakusi kubatsira vanhu kunoitwa nemaporofita kana nen’anga idzi asi kuti vanenge vachirapa nezvikwambo nemweya yevavakafa,” vanodaro.

Madzibaba Gamba VaMartin Madzura (34) vekwaChipunza, kwaRusape, vechechi yeKundiso Apostolic Faith vanoti inyaya inozivikanwa kuti kune n’anga nemaporofita vanoshandisa mvura dzezvitunha kurapa nekuita mabasa akasiyana.

“Inyaya inoitwa nemaporofita nen’anga avo vanoshereketa. Kushandira kwavo vanhu ndekwekuromba.

‘‘Sevaye vanonzi vanoshandisa misoro yegora nenhengo dzevafi, kuda kupfuma nekukasika kunodariso,” vanodaro.

Madzibaba Mateo Mupfumbati vekuBudiriro 2, muHarare, vanoti uhu huroyi.

“Muchiporofita naiko kudzin’anga huroyi hukuru, vanhu ngavabatsire nenzira kwadzo. Kune mweya yevanhu inosandurwa kuitwa zvidhoma kana zvikwambo. Ndizvo zvimwe chete nevanoshandisa mvura yezvitunha ava,” vanodaro.

Mutauriri wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Mai Audrey Tasaranarwo, vanoti havana ruzivo nekuda kwenyaya yekuti kune mvura inogezeswa zvitunha inotengeswa kun’anga nekumaporofita.

“Kana zvichiitika hatizive kuti zvinofambiswa sei nekuti panogezeswa zvitunha, mvura iyi inenge yatova tsvina inoraswa ichifamba nemigero. Kana kuine vanoiba kuvashandi vekumamochari isu hatizive nekuti haichengetwe, itsvina isingafanirwe kushandiswa nevanhu,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×