Mvura yemuteuro yofashaidzwa

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira machechi echipositori, reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), rinoti zvakakosha kuti vemakereke vatevedzere kurudziro yose iri kuitwa neHurumende mukurwisa kupararira kwechirwere checholera, kusanganisira kuti vanhu vasaungane.

Archbishop Johannes Ndanga, avo vanova mutungamiri wesangano iri, vanoti vemachechi vanofanira kubatana neHurumende nemamwe mapoka mukurwisa chirwere ichi.

“Dambudziko iri rinodarika, saka ikurudziro yedu kuti timbomira kuungana kusvikira chirwere ichi chapera sekutaurwa kuri kuitwa neHurumende. Tiri kufamba nekuendesa matsamba kuvakuru vemasangano ose kuti vatevedze zviri kutaurwa neHurumende,” vanodaro.

Archbishop Ndanga vanokurudzirawo vakuru vemachechi kuti vasiyane netsika yekurambidza vatendi vavo kunobatsirwa kuzvipatara.

Mumwe muporofita anonamatira mumusha weBudiriro, muHarare, anoti haapokane nemitemo iri kuiswa neHurumende yekuti vasaite makungano.

VaMartin Madzura (34), avo vanozivikanwa nekuti Madzibaba Gamba vechechi yeKundiso Apostolic Faith iri kuBudiriro kunova ndiko kwakatangira denda recholera iri, vanoti sevanamati, havafanirwe kupokana nehurongwa hweHurumende.

Archbishop Johannes Ndanga

Vanoti sezvo vachishandisa miteuro, vanhu vanobva nemvura dzakafashaidzwa kudzimba dzavo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vanorwara nemanyoka kana mudumbu takambomira kuvabatsira nekuda kwechirwere ichi avo tinokurudzira kuenda kuchipatara.”

Kwayedza nemusi weChishanu svondo rapera yakaita ongororo kune mamwe masowe anosanganisira ari mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuChitungwiza ikaona mamwe mapositori vakaungana izvo zvinopesana nekurudziro yekuti vanhu vambomira kuungana.

Zvichakadai, kuchine vamwe vanhu vari kuonekwa vachitengesa zvekudya semumwe mukadzi aitengesa hove dzakaoma kuMbare.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×