Mvura younza mufaro kuvarimi

Muchaneta Chimuka

VARIMI vari kumatunhu akasiyana enyika vari kutambira nemufaro mukuru kunaya kuri kuita mvura zvichitevera kutsva kwange kwave kuita zvirimwa zvakadai sechibage nezuva.

Kwayedza svondo rino yakamema mamiriro ezvirimwa kunzvimbo dzakadai sekwaMusana, kuBindura, Domboshava, Harare neChitungwiza ndokuona zvichitaridzika zvakanaka zvisinei nekuti kune zvimwe zvakaparadzwa nemakonye efall army worm.

VaWonder Chabikwa vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) vanoti kutanga kunaya zvakare kwemvura kwaunza zororo mundangariro dzevarimi sezvo vava netarisiro yegoho rakanaka.

“Zvirimwa zvakadai sefodya nechibage zvasimuka zvakanaka nekuti zvimwe zvange zvava kutanga kusvava nekuda kwezuva. Tinofara zvikuru kuti varimi vazhinji vari kugadzira minda yavo kuburikidza nekusakura sora saka kuuya kwemvura uku kwava kuita kuti zvirimwa zvinyatsokura zvakanaka uye mwando uri kunyatsodzika pasi zvichitevera manairo akanaka airi kuita,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti zvirimwa zvakadai sechibage nesoya bhinzi varimi vakakwanisa kusakura kana kufirita sora muminda yavo pamwe nekudzivirira twumbuyu vanowana goho rakanaka.

“Tinoramba tichikurudzira varimi kuti vabvise sora muzvirimwa zvavo nekuona kuti vafirita nemishonga yekurwisa twumbuyu nekuti zvinhu zviviri izvi zvine hudyi hwakaipa kuzvirimwa. ,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti zvipfuyo zviri kuratidza kufaranuka zvichitevera kuwanda kwemafuro uye mvura yekunwa.

“Tinoda kuti varimi varambe vachidhibhisa mombe dzavo kudzivirira zvishambwe nekuti zvinowanda munguva ino yekunaya kwemvura,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *