Mwana ndinomuda, asi mukadzi kwete!

KWAMURI tete
Kutanga ndinokusimbisai Tete Chipangamazano. Ndiri murume ane makore 30, ndainge ndakaroora uye ndine mwana mukomana mumwe chete.
Dambudziko rakazouya ndere mudzimai wangu. Takarambana mwedzi mishoma yapfuura mushure mekunge mudzimai uyu aita chipfambi ini ndokuzvibata. Mudzimai wangu haana kuzviramba.
Zvino zvave kuitika ndezvekuti zuva nezuva ndinofunga nekurota mwana wangu achichema. Mwana ndinomuda asi zvemukadzi handichada. Ndoita sei tete, kuti mwana wangu akure asina vabereki vari vose zviri kundishungurudza? Ndakahuona hupenyu wekukura nemubereki mumwe chete amai nababa varambana. Kuti ndiregerere mukadzi handichakwanise. Ndibatsireiwo tete.
Max Chauya.

Bindura.MHINDURO:

Dambudziko rako muzukuru rinonzwisa tsitsi. Hongu semunhu waune mwana naye hapana chandingashore nekuti iwewe chauri kuda mwana wako.
Asi iwe unoziva kuti Bhaibheri rinoti mukadzi anoregererwa pane dzimwe mhosva asi cheupombwe haafanirwe kuregererwa.
Uyezve nezvaakaita ndinozviziva kuti unotori neimwe pfungwa, yekusaziva kuti mwana wacho ndewako here zvechokwadi.
Vakuru vanoti n’anga ndiamai, ndivo vanoziva muridzi wemwana.
Zano randinokupa muzukuru nderekuti chingotauriranai muchengete mwana aina amai vake kwaari, nekufamba kwenguva kana zvakaitika nekuchiva kana kufurirwa, unotoona kuti mukadzi wako amire papi.
Ndipo paunozodzokerana naye, asi kana moyo wako uchiramba fambirai mberi neupenyu, wochengeta mwana wako.
Shiri ine muririro wayo haiurege.
Tete.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×