Mwana oroodza amai . . . ‘Baba zvavafa kudai, saka chitsvagai mumwe murume’

Anesu Kurebwaseka ari kwaMUTARE
CHIREVO chinoti nhamo inhamo zvayo amai havarodzwi chakashaya basa zvichitevera nyaya yemumwe murume wekwaMarange, kuBocha, kudunhu reManicaland, uyo akadzinga amai vake vane makore 50 okuberekwa pamusha achivati vatsvage murume anovaroora mushure mekufa kwababa vake.

Izvi zvakabuda mudare reMutare Magistrates’ Court apo Josiah Mujaho (25) akamiswa pamberi pemutongi Innocent Bepura akatarisana nemhosva yekuita mhirizhonga yemudzimba.

Mujaho akasungwa nemhosva yekushungurudza amai vake mbune – vekumubereka – achivati vabve pamba. Dare rakaudzwa kuti Mujaho akataurira amai vake kuti vanofanira kutsvaga mumwe murume anovaroora zvichitevera kufa kwababa vake.

Mujaho anobvuma mhosva yake mudare ndokuti sezvo baba vake vakafa, amai vake vanofanira kutsvaga mumwe murume anovachengeta. Muchuchisi, Fletcher Karombe, akaudza dare kuti nemusi wa12 Chivabvu munguva dzemangwanani, Mujaho – uyo anogara naamai vake avo vakangozivikanwa saMarufu – akavadzinga pamba achiti ava kuda kugara oga.

Mujaho akaudza amai vake kuti hapana chikonzero chekuti varambe vachigara pamusha apa. Muchuchisi Karombe anoti Mujaho akaramba achishungurudza amai vake kusvikira vanomhan’ara kumapurisa zvikazoita kuti mwanakomana uyu asungwe.

Mujaho akatadza kutsanangura zvinogutsa mudare kuti sei achidzinga amai vake pamba sezvo vaine kodzero yekuwanawo mugove wenhaka yababa vake nekugara pamusha ipapa.

“Handina kuvadzinga, asi ndakangovaudza kuti vatsvage mumwe murume anovaroora nekuti iye zvino ndinoda kugara ndega,” anodaro. Mutongi Bepura akatemera Mujaho chirango chekugara mujeri kwemwedzi mishanu, iyo yakazosendekwa yose padivi paine chitsidzo chekuti haapare imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.

Mutongi anoti Mujaho ngaaregedze kushungurudza amai vake. – The Manica Post

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×