Mwana osimudzira mureza weZimbabwe

Daphne Machiri

KAKOMANA kane makore 14 okuberekwa ako kanodzidza paChamanhanzva Secondary School, kwaNgundu, kuMasvingo, kakadadisa nguva pfupi yadarika apo kakanosimudza mureza weZimbabwe kumakwikwi epasi rose ezvigadzirwa zveSainzi ayo anodaidzwa kuti Broadcom Masters International 2019 akaitirwa kuUnited States of America nguva pfupi yadarika.

Locution Wonder – uyo ari kuita Form 1 paChamanhanzva – akaratidzira chigayo chaakagadzira kumakwikwi aya uye aive pakati pevamwe vana vechikoro vakabva kunyika 24 dzepasi rose.

Wonder akakwanisa kuenda kumakwikwi aya zvichitevera kusarudzwa kwaakaitwa nesangano rereZimbabwe Science Fair iro rinotsigira zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering and Mathematics (STEM) muzvikoro.

Mutungamiriri wesangano iri, Knowlegde Chikundi, anoti Zimbabwe ndiyo yoga yakasarudzwa muAfrica kunopinda mumakwikwi aya.

“MuZimbabwe takasarudza mwana mumwe chete – Locution Wonder – uyo ane tarenda rinodakadza. Mwana uyu anogadzira zvakawanda zvinosanganisira chigayo, mafoni, wind turbine iyo inoshandisa mhepo mukugadzira magetsi oshandiswa osevenzeswa mune zvakaita sekuchajisa mafoni nemwenje wemudzimba,” anodaro Chikundi.

Wonder akapihwa mibairo inosanganisira laptop, mabhuku nezvimwe zvekushandisa muzvidzidzo zveSTEM.

Mwana uyu nguva yadarika akamboenda zvakare kunyika yeSouth Africa achinoratidzira mabasa ake kuchirongwa cheYouth Engineering and Science Symposium uko akakwikwidzana nevamwe vana vechikoro vakabva kunyika dziri muAfrica.

Chikundi anoti donzvo ravo ndere kusimudzira zvidzidzo zveSTEM sezvo zvichibatsira mubudiriro yenyika.

“Zvidzidzo zveSTEM zvinoita kuti nyika ifambirane nenguva neruzivo rwechimanje-manje zvakadai sekushandiswa kwemakombiyuta nekugadzirwa kwemichina inosimudzira upfumi,” anodaro Chikundi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×