‘Mwana wangu imbavha yehuku’

Tatenda Shuro
VAMWE baba vakazoendesa mwanakomana wavo kudare redzimhosva vachiti avashaisa rugare nekuvabira huku dzavo.

Justice Mutizwa akamhan’arira Takesure Mutizwa kuHarare Civil Court achiti ashaya zvekuita nekuda kwekatsika kake kekumubira huku.

“Mambo wangu, ndakashaya huku mbiri muchikwere uyu mwana agere apa ndiye akadziba. Ipapa ava nemakore 29 okuberekwa asi haaende kubasa. Haashande asi vanin’ina vake vave kutogara voga sezvo vave kuzvishandira nekuzviriritira.

“Mwana uyu akandirova ndabvunza nezvehuku idzodzo. Handichadi kugara naye nekuti achapedzesera aba zvinhu zvakawanda uyezvihombe,” anodaro Justice.

Achipawo divi rake, Takesure anoti anopokana nechikumbiro chababa vake.

“Ndine dambudziko nechikumbiro chavo. Baba handina kumbobvira ndavarova, handingarove baba vangu nekuti ndivo voga,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Baba vane muroja wavo aigara pamba aisabhadhara mari yemba saka vakatora zvinhu zvake iye ndokubva pamba, asi ndinofunga kuti ndiye ari kuuya achitora huku nokuda kwokutsamwa kwaakaita.”

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Justice gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *