Madiro emari akadai haaite

SVONDO rino tine nyaya inorovesa hana pamwe nekushatirisa zvikuru. Iyi inyaya yemurume anove muzvinhabhizimisi wekudunhu raMambo Chireya, kuGokwe, uyo anonzi ari kutaura pasina kana nyadzi kuti anoshinha naamai vake vekumutumbura senzira yekuti bhizimizisi ravo ribudirire. Zvinonzi murume uyu naamai vake vanoshinha vose pakupera kwemwedzi woga-woga semhiko dzavakapihwa neimwe n’anga kuti bhizimisi ravo rifambire mberi.

Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Chireya, murume uyu pamwe chete naamai vake ndokuripiswa mombe pamhosva yekuita makunakuna iyi.

Murume uyu akanzi zvakare nedare ramambo aripe mudzimai wake nekuda kwekumutadzira kwaakaita sezvo achimusanganisa naamai vake panyaya dzepabonde.

Chinoshamisa panyaya iyi ndechekuti murume uyu pamwechete naamai vake pavakamiswa mudare raMambo Chireya vakataura pasina kana kunyara kuti ndizvo zvavanoita.

Amai vemurume uyu vanoti vakaudzwa nen’anga kuti vanofanirwa kupota vachishereketa nemwanakomana wavo kuitira kuti mabhizimisi avo – ayo avakasiirwa nemurume wavo ava mushakabvu – abudirire.

Zvinotoshamisa kuti mudzimai uyu anobvuma kuita chipini chakadai nenyaya yekuda upfumi chete.vChokwadi kuti amai vanoshinha nemwanakomana wavo – kwete kuburikidza nedzimwe nzira dzemishonga dzakadai sekushandisa mubobobo – asi vachinyatsoziva zvavari kuita.

Kana iyewo mwanakomana wacho madiro ake mari akanyanyisa uye ndivo vanhu vanogona kana kuuraya munhu chaiye vachichekeresa nenyaya yekuda pfuma.

Maitiro akadai anobvisa chimiro uye haana chaanodzidzisa kune vechidiki nekunyoka yose zvayo.

Mwanakomana uyu naamai vake pamwe nemhuri yavo yose vachagara vari chiseko munharaunda yavo nekuda kwezvavanoita izvi nekuti zvinoshoresa nekutukisa dzinza.

Hongu, amai nemwanakomana ava vakaripiswa mombe nedare raMambo Chireya nekuda kwemakunakuna avari kuita, asi pachivanhu zvakare murume uyu akatozvisikira moto muziso sezvo achifanira kuripa kumusha kwaamai vake nekuda kwemhosva yaakaparamura yekushinha nemubereki wake.

Bhizimisi rinobudirira nekuda kwekurongeka kwete kushandisa mishonga kana kuchekeresa.

Munhu ngaadye chinobva mudikita rake kwete kuda kuti zvinhu zvingoitika zvoga kuburikidza nemasaramusi nekuti pakupedzisira zvinozomuzvimbira. Kune vakawanda nhasi uno vari kudemba nekuda kwematambudziko avari kusangana nawo mushure mekunge varomba mishonga yakasiyana.

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vasangovimba kana kutevedzera zvose zvose zvavanoudzwa nen’anga kana maporofita.

Nhasi uno kune mhuri dzakawanda dzapesana nekuda kwekunyeperwa nemaporofita pamwechete nen’anga apo vamwe vemumhuri vanenge vapuhwa huroyi.

Kune vamwe zvakare vari kusvika pakurwisa hama dzavo kana kutodziponda chaiko nekuda kwezvavanenge vaudzwa nen’anga kana maporofita.

Madiro ekupfuma akadai haaite. Vanhu dzidzai kuzvishandira kuti mubudirire kwete kuita zvemishonga!

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×