Mwana wekutsakatika awanikwa

Kingstone Mapupu

MWANA wekwaMurehwa wemakore gumi nemaviri okuberekwa – uyo wekubuda munhau achinzi haazi kuzivikanwa kwaari – anonzi awanikwa.

Wengai Gukwe wemubhuku raTsiga, kudunhu raMambo Mangwende, ange asiri kuonekwa kubva pakati pemwedzi waNyamavhuvhu zvikaita kuti vabereki vake vagare vakabatira hana mumaoko.

Mwana uyu akawanikwa svondo rapera achingodzungaira mumasango ekuUzumba.

Kutakatika kwaWengai kwakatyisa ruzhinji sezvo nyaya iyi yakabuda apo mumwezve mwana wekwaMurehwa – Tapiwa Makore (7) – akangotsakatika, ndokuzowanikwa akapondwa uye mutumbi wake wakabviswa musoro, maoko nemakumbo.

Pane varume vaviri vakatosungwa nekuda kwekupondwa kwaTapiwa.

Mbuya Fortune Maphosa (69) vanoti muzukuru wavo, Wengai, vakamushaya nemusi wa15 Nyamavhuvhu apo akangobva kunotsvaga mombe, ndokudzivharira achibva aenda kusina kuzivikanwa.

Vanoti vakazoridzirwa nhare nemusi wa26 Gumiguru – nyaya yekutsakatika kwemwana uyu yabuda muKwayedza – vachiziviswa nezvekuwanikwa kwemuzukuru wavo.

“Ndinotenda zvikuru veKwayedza nekuburitsa kwamakaita nyaya yemuzukuru wangu munhau nenhamba dzefoni dzangu. Zvakandibatsira zvikuru.

“Ndakazoridzirwa nhare nevanhu vakanga vaona bepanhau redu ndokuudzwa kuti muzukuru wangu aionekwa kuUzumba achingodzungaira musango kunova iko kunobva baba vake. Ndakamuwana, vanhu ngavachirega havo kutambudzika,” vanodaro Mbuya Maphosa.

Vanoti havasati vava kuziva chaicho chakaita kuti mwana uyu atetereke.

“Ndakasunungurwa zvikuru nekuwanikwa kwemuzukuru uyu sezvo akashaikwa ari mumaoko mangu. Amai vacho, vanove mwana wangu, vanogara kwavo voga kotiwo baba vacho ndivo vanogara kuUzumba,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×