Kingstone Mapupu
MAPURISA ekuMasvingo ari kutsvaga mwanakomana wemakore gumi nerimwe chete okuberekwa, Delight Matondo, uyo anonzi akagumisira kuonekwa munaMbudzi mudunhu rimwe chetero.
Mutauriri wemapurisa kuMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti mwana uyu anogara munzvimbo yeVictoria Range kwakare kuMasvingo.
Vanoti akagumisira kuonekwa nomusi wa18 Mbudzi nenguva dza6 mangwanani.
“Tine chikumbiro semapurisa kune veruzhinji kuti vatibatsire nemashoko okuti Delight Matondo awanikwe. Akangoshaikwa pamba nomusi wa18 Mbudzi nenguva dza0600 hours, akaenda kusina anoziva. Angangodaro akareba mamita 1,05 uye ari mushava, ane muviri uri pakati nepakati. Akagumisira kuonekwa akapfeka T-shirt tsvuku ine mitsetse, tarauzi remaroon nemapush matema,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti anenge aona mwana uyu anokwanisa kuzivisa mapurisa ari pedyo kana kuridza nhare kuna Officer- In-Charge ZRP Chikato, Inspector Zivai Mlambo, panhamba dzinoti 0775 769 826 kana 0392262137.
Vanokwanisa kutaura naInvestigating Officer vanova Constable Sibongile Magonde panhamba dzinoti 0783 217 981.
Vanogona zvakare kuzivisa mapurisa anodyidzana neruzhinji kuMasvingo panhamba dzinoti 039226442 kana 0775 996 945.
Zvakadai, Insp Dhewa vanoti vari kushushikana zvakanyanya nokuda kwekuwanda kwenyaya dzevana vari kushaikwa zvachose mudunhu ravo.
Vanokurudzira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vavacherechedze nguva dzose nekuonawo vavanotamba navo.



