Mwanakomana (13) wekutiza pamba awanikwa ave ‘street kid’

Muchaneta Chimuka

MWANAKOMANA ane makore 13 okuberekwa, Tadiwa Mushore, uyo akange azvitsa mwedzi mitatu asingazivikanwe kwaari mushure mekutiza pamba, akazowanikwa ave kugara mumugwagwa muguta reHarare.

Tadiwa akange ave kugara mumugwagwa izvo zvakazoita kuti apedzisire ave kuchengetwa pamusha unochengeta nherera weNorthcourt Children’s Home kuWestgate, muHarare.

Anonzi ainge ane katsika kekurovha chikoro uye pazuva raakazoshaikwa aive  asina kusvika kuchikoro izvo zvakaita kuti murairidzi wake aridzire nhare vatete vake avo aigara navo.

Akashaikwa nomusi wa5 Kurume gore rino, apo akasvika kuHopely achiti aibva kuchikoro ndokusiya mabhegi ake echikoro pamba pemuvakidzani ndokubva atanga kutiza.

Tete vake, Mai Faith Ndongolo, vanoti vakaedza kumutandanisa vachibatsirwa nevamwe vanhu asi vakakundikana kumubata achibva angoita museve waenda neuma kubva pazuva iri.

Munyori uno akamboedzawo kuronda mwana uyu akamuona mumugwagwa Julius Nyerere padyo nemuzinda weJoina City muguta reHarare arere nevamwe vanogara mumigwagwa achibva azivisa hama dzake.

Nomusi weMuvhuro svondo rapera, Mai Hazvinei Kofi vanova amai vaTadiwa vakaridzira nhare munyori uno vachibva vabatsirana kutsvaka mwana uyu panzvimbo yaakapedzisira kuonekwa.

Vakataurirwa akange aendeswa kumusha unochengetwa nherera nevana vanonetseka kuNorthcourt Children’s Home.

“Ndakazosiviswa neveSocial Welfare paMakombe Building kuti zvedi mwana wangu ainge ari kumusha unochengetwa nherera. Muzuva rakatevera (Chipiri) ndakazouya nechitupa changu ndikaenda kunopihwa mwana wangu ndichibva ndaenda kunovharisa dhoketi kukamba yemapurisa yekwaBoka iro rainge rakavhurwa nanatete vake avo vaigara naye kuHopley Zone 6 apo ainge ashaikwa. Ndinongonamata Mwari kuti kudai akasapindwa nemweya wekudzokera zvakare mumigwagwa nekuti hamuna kumira mushe, mune kushungurudzwa kwevana kwakanyanya uye kutorwa kwezvinodhaka,” vanodaro.

Mai Kofi vanoti mushure mekushaya mwana wavo kwemwedzi mitatu izere, havana kana kuwana hope vachifunga kuti pamwe akaurayiwa.

“Ndakabuda mari yakawanda mushure mekuziviswa nezvemaporofita ainzi anozivawo kunaTadiwa. Vamwe vainditi vari kumuona pamweya ari paTrabablas achizobva abatana nevamwe vana vachibva vapinda muguta asi vamwe vaiti handichamuwani zvachose. Pamwe pacho ndaibhadhariswa US$150 yekubvunzira mweya nekuti maporofita emazuva ano ava kubhadharisa. Hapana patisina kutsika. Tadiwa ndiye bedzi mwana wangu uye ndakaparadzana nababa vake ndikazoroorwa kuDomboshava asi mbereko yakaramba.  Zvino ndosangana nenyaya dzakadai dzekupata kwake musha? Zvinorwadza,” vanodaro.

Nguva pfupi yadarika, mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP), akabuditsa mashoko aive pamusoro pekutsvagwa kwaTadiwa.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti mwana uyu akanga ari mudzidzi wepaRuvheneko Primary School kuGlen Norah uye ainzi aiva nembiri yekurovha chikoro munguva zhinji.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×