Mwanakomana atsika baba vake nekombi vakafa

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuMutawatawa, Phenius Kasuso (36), akasungwa nemhosva yekutsika baba vake, Jona Kasuso (58), nekombi izvo zvakazokonzera kufa kwavo mushure mekunge vanetsana pamusoro pefiro yakaita munin’ina wake.

Izvi zvakaitika nemusi wa18 Ndira gore rino, kwaMambo Chirinda kuMaramba, kuMutawatawa.

Mapurisa anoti muna Gunyana gore rapera, munin’ina waPhenius aive nemakore 17 okuberekwa akafa kuAviline Mine, kuBindura.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi vanoti baba vemushakabvu uyu, Jona, akave nefungidziro yekuti mwana wake aive aroyiwa nevamwe vemumhuri yake vanogara kuMaramba.

Jona akamhan’ara nyaya iyi kwaMambo Chirinda uye yaitarisirwa kuti inge ichipinda mudare iri nomusi wa18 Ndira gore rino.

“Nomusi wa18 Ndira mangwanani, mhuri yakwaKasuso yakaenda kudare raShe Chirinda kuti nyaya iyi inonzwikwa asi ishe ava vakabva vavapfuudza kune muporofita wemunharaunda yavo anonzi Madzibaba Denford wekuChinhanga Village. Phenius akaramba kuenda kumuporofita uyu.

Izvi zvakamutsa bongozozo pakati pake nevamwe vemhuri yekwaKasuso. Musungwa akabva atyaira motokari yerudzi rweNissan Caravan ine nhamba dzinoti AHI 7690 yainge yakapakwa pamba paShe Chirinda achityisidzira kuti aizovarova mhuri yese kana yakaedza kumurambiza kuti asabve panzvimbo iyi. Pasina nguva, akabva abudisa pfuti nhema yemhando yeTokarev pistol ine nhamba dzinoti 03231 achityisidzira vemhuri iyi kuti aizovapfura zvakaita kuti vese vati mwanda kutiza,” vanodaro Comm Nyathi.

Vanoti Phineus akabva apinda mumotokari achida kubva panzvimbo iyi asi Jona neimwe hama inonzi Rebbecca Kasuso vakabva vaenda kunomira kumberi kwemotokari yake vachimuvharira kuti asabve. Musungwa uyu anonzi akabva angotyaira motokari yake achibva atsika baba vake avo akazvuzvurudza kwechinhambwe chemamita gumi vari pasi pemotokari achibva atyaira motokari yake achivasiya varere pasi,” vanodaro.

Comm Nyathi vanoti Jona akakuvara zvakanyanya gumbo rekuruboshwe, musoro nembabvu yekurudyi achibva aendeswa kuMutawatawa Hospital uko akazoshaya mushure mekunge hurwere hwake hwakomba.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa eZRP Mutawatawa uye motokari yaakashandiswa mukutsika mushakabvu yakawanikwa kusanganisira pfuti yakashandiswa mukutyisidzira vanhu.

Phenious ari mumaoko emapurisa uye ari kupomerwa mhosva yehumhondi pamwe nekushandisa pfuti yake nenzira isiri iyo pasi pemutemo weFirearms Act.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×