Mwanasikana (11) oshaikwa angobva pamba

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mumusha weMarlborough muguta reHarare iri kutsvaga mwanasikana wayo, Nyasha Maphosa (11), uyo anonzi akangobva pamba nemusi wa7 Zvita ndokushaikwa zvachose.

Anonzi akabva pamba akapfeka rokwe dema nejaketi repink.

Nyaya yekushaikwa kwemwana uyu yakamhan’arwa kumapurisa epakamba yeZRP Marlborough uye ine nhamba dzinoti RRB-6638837.

Mwana uyu anonzi anogara nasekuru vake, VaMaphosa Malahwa (67) naambuya vake panhamba 53 Princess Magaret Road uye anopinda chikoro Grade 5 munharaunda iyi.

Zvinonzi nemusi uyu, akabvunzwa report book rekuchikoro iro akaburitsa rakabvarurwa mamwe mapepa uye paakabvunzwa kuti akanga azviitire chii, anonzi akazoguma ava kukanda maoko mudenga kuratidza kugumbuka.

Zvinonziwo mamwe mareport book ake emagwaro ekumashure aiitawo tsika yekubvarura zvakare mapepa nechikonzero chisina kutsanangurwa.

Anonzi nemusi waakashaikwa uyu, akabva pamba achienda kuchibhorani kunochera mvura apo akazoonekwa ava nemumwe musikana ndokuzoenda kusina anoziva.

Vanoziva kune mwana uyu kana vane mashoko anobatsira kuti awanikwe, vanokurudzirwa kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 264 545, 0715 407 297, 0780 522 985 kana 0775 505 327.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira kushaikwa kwemwana uyu.

“Tine dambudziko rekushaikwa kwevana mazuva ano kusanganisira uyu wekuMarlborough. Vamwewo vanotiza mudzimba vachiguma vazviuraya, ngatitsvagei mashoko akanaka ekutaura nevana vedu sevabereki uyewo zvakanaka kuziva vanhu vanotamba nevana vedu nekuongororawo hunhu hwevana nguva nenguva. Tinodaro nekuti nguva zhinji vana vari kupinzwa mukutora zvinodhaka voguma vava kuita hunhu hwakaipa,” vanodaro Insp Chakanza.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *