‘Mwanasikana rega kuzvitarisira pasi

Malven Mugadzikwa
VANASIKANA vanofanira kuramba vachienderera mberi nechikoro uye havafanire kuzvitarisira pasi asi kuti vakwikwidzanane nevanakomana muzvidzidzo.
Kurudziro iyi yakapihwa naVaStanely Matiza, avo vanova managing director wekambani yeAfrican Century Limited, apo vaive muenzi mukuru pachikoro cheGirls High School, muHarare, pagungano rekupihwa kwevana mibairo reSpeech and Prize Giving Day.
“Girls High School, sezvimwe zvikoro, inoshanda nesimba kubura mwana nyanzvi mune zvechikoro pamwe chete nekushandisa njere mukuronga zvine chekuita neramangwana renyika. Mwanasikana anofanira kudzidza zvose izvi uye achiwana dzidzo yemhando yepamusoro kuti akwanise kushanda panguva iyo pasi rose riri kumhanyidzana nechizvino-zvino,” vanodaro.
VaMatiza vanoti vanasikana havafanire kuzvitarisira pasi asi kuti vakwikwidzane nevanakomana muzvidzidzo zvakasiyana.
“Vanasikana vari kubva pachikoro chino vanofanira kuzova vatungamiriri vamangwana avo vanokwanisa kutungamirira ruzhinji chero nguva dzinenge dzakaoma zvinhu.
“Vanasikana havafanire kuzvitarisira pasi kana kupeta maoko vachiti vanhurume ndivo vanofanira kutora mabasa epamusoro. Chikoro chino chinofanira kubura nyanzvi dzinozotungamira muzvikamu zvakasiyana munyika,” vanodaro.
Mashoko avo anotsinhirwa nemukuru weGirls High School, Dr Beauty Mutsambiwa, vachiti chikoro chavo chabura nyanzvi dzakawanda.
“Pachikoro chino pakabva vana vazhinji vakaita mukurumbira kubva kunyaya dzekutungamirira mumakambani, kuitwa kwezvemitambo mukusimudza mureza wenyika yedu nehunyanzvi hwavo kune dzimwe nyika nezvimwe zvakawanda.
“Tiri kuramba tichishanda nesimba sechikoro kuti tirambe tiine mukurumbira uyu. Vanasikana tinoda kuti varambe vachishingaira nechikoro uye vasadzokere kumashure.
“Ngavashandisewo chizvino-zvino nekuzvienzanisa nevanakomana muhunyazvi hwavo munyika yazara chizvino-zvino iyi,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *