Oda kudzika amai demo

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai ari kuchema-chema mudare achiti anogara akabatira hana mumaoko nekuda kwemwanakomana wake uyo waanoti ane marambadoro ekusvika pakuda kumutema nedemo.

Millia Gandiwana akamhan’arira mwana wake Munyaradzi Machingauta kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Gandiwana gwaro rinomudzivirira.

“Machingauta mwana wangu wandinogara naye asi andikandisa mapfumo pasi. Ndanzwa!

“Anonditukirira nemashoko anorwadza. Anonditi ndiri chembere isina musoro uye handina kukwana.”

Gandiwana anoti mwanakomana wake akambouya nedemo achida kumutema apo ainge akadhakwa.

“Akauya achida kunditema. Anondinwira Bronco kuti anyatsondituka nekundiuraira midziyo. Handichadi kuti auye pamba ndisipo nekuti ndinotyira kuzonzwa kuti adzika mumwe munhu nedemo. Anotuka nekurova vanin’ina nehanzvadzi dzake kana vakamutsiura. Zvino ini ndava kutya,” anodaro Gandiwana.

Anoti ndiye anobhadharira vazukuru vake mari yechikoro kuburikidza nekuita maricho.

“Tinogara nevazukuru vangu asi musi uno akauya akanditorera vana. Ndinoita maricho kuti ndibhadhare mari yevazukuru vangu yekuchikoro. Iye ndiwo maendero aakaita kuchikoro, ndaimubhadharira nemari yemaricho iyoyo. Zvino akatora vana akaenda navo, izvozvi havasi kuenda kuchikoro.

“Dai dare randibatsira aregedza zvaanoita uye kuti adzose vana nekuti vanozomuponda kana vakasadzidza,” anodaro.

Machingauta haana kuuya kudare kuti azopewo divi rake.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *