‘Mwari vari kuuya muZim’

MUPOROFITA uye wekuti akaenda kudenga kaviri apo anoti akanoita musangano naMwari mbune, mushure ndokuzogadzwa kuva muporofita wepasi rose (prophet of all nations), haasi kudzokera shure nemashoko ake zvisinei nekuti ari kushorwa neveruzhinji.

Prophet Talent Madungwe (30) auya neitsva — ava kuti nguva yadarika akashanyirwa nengirozi kumba kwake ikamuudza kuti Mwari vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru gore rino.

Nyaya yaProphet Madungwe (30) wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries iyo iri mumusha weSunningdle, muHarare, yakatanga kubuda muKwayedza masvondo maviri adarika achiti akaenda kudenga kunoita hurukuro naMwari kekutanga musi wa1 Ndira ndokudzokerazve musi wa4 Chikumi gore rino.

Vaverengi vebepanhau rino vakamushoropodza zvikuru, vamwe vachimuny’omba nekuda kwemashoko ake aya.

Zvisinei nezviri kutaurwa neveruzhinji, vamwe vachiti murume uyu anofanirwa kuongororwa pfungwa dzake, Phophet Madungwe vakadzoka kumahofisi eKwayedza svondo rino vaine “nyowani”. Anoti pane ngirozi yakauya kwaari nemusi wa20 Chikunguru apo ainamata ari kumba kwake ichimuti Mwari mbune, vekumugadza kuva muporofita wepasirose, vachauya muZimbabwe.

Anoti ngirozi iyi yaive yechirume iyo yakasvikomhara paaive ndokumuudza kuti Mwari vaizomushanyira mukati memazuva 90 kubva zuva iri, musi wa20 Chikunguru. Anoti achashanyirwa musi wa20 Gumiguru.

Prophet Madungwe, uyo watisingakwanise kuti anopenga kana kuti kwete, anoti ngirozi iyi yakamuudza kuti Mwari pavachashanya vachazvikotaura naye nekuda kwematambudziko akasiyana epasi rose, kusanganisirawo emuZimbabwe.

“Ndatomirira kuuya kwaNyadenga apo ndiri kuzvipa nguva yekunamata zvakasimba kuitira kusangana nemukuru. Zvichemo zvose zvepasi rino ndichavapa nekuti ndini ndoga wenyama ndakwanisa kusangana naMwari pari zvino kunze chete kwewekutanga, Abraham,” anodaro.

Anoti pose paanonamata kuchechi kwake, musango kana mumba, anomomoterwa nengirozi idzo anoona oga kunyangwe aine vamwe vanhu.

“Ndinoda kuudza vana veZimbabwe kuti Mwari vari kuzoshanyira nyika ino pamazuva 90 ari kutevera aya uye matambudziko edu ava kuzopera. Zvevanondishora vachiti ndave kurwara nepfungwa kana kuti ndiri muSatanist hazvindishamise nekuti ivo Jesu chaivo mbune, vakarambwa nevanhu. Zvino izvi hazvisi zvekutamba, Mwari vari kuuya, ndakaita misangano navo kaviri,” anodaro apo akashanyira Kwayedza pasina kukokwa.

Tiudzei kuti munoti kudii nemurume uyu panhamba dzinoti 0714 200 007

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *