MAONERO EDU: Gudo rinotova nekodzerowo

SVONDO rino tine nyaya yegudo rinonzi rakaonekwa mumusha unogara veruzhinji weGlen View 1 ne2 muguta reHarare.

Gudo iri rinonzi rakaonekwa mushure mekushaya zvisina tsanangudzo kwevashandi vatatu vepane chimwe chikoro cheko nemwana mumwe chete.

Vose ava vanonzi vakashaya mukati mesvondo rimwe. Nokudaro kune vamwe vave kuti kuonekwa kwegudo iri kunodyidzana nekufa kwevanhu ava.

Mifananidzo nevhidhiyo zvine Kwayedza, izvo zvamunogonazve kuona padandemutande www.kwayedza.co.zw zvinoratidza kuti gudo iri rakapedzisira rave nemaronda akadzika nekuda kwekutemwa kwaraiitwa nevanhu vainge vaungana.

Kurwadzisa gudo rinongozvifambira zvaro?

Vagari vemunzvimbo iyi vanoti gudo iri rakapwanya marata nemahwindo edzimba dzine chitsama apo raidzingirirwa.

Vhidhiyo inotaridza zvakare kuti gudo iri rakapedzisira rasungwa netambo apo rakange ragara pasi raneta uye rakakombwa nemhomho yevanhu.

Zviri pachena kuti gudo iri rakashungurudzwa zvakanyanya kusvikira panguva iyo rinonzi rakazotorwa nevanoona nezvekuchengetwa kwemhuka, veNational Parks and Wildlife Management Authority. Dambudziko riripo nderekuti veruzhinji vakaona mhuka dzakaita segudo, nyoka kana tsoko munzvimbo dzinogara vanhu vanomhanyira kufunga kuti zvine chekuita nemishonga.

Izvi handizvo, sezvo sekutaura kwevamwe vagari vekuGlen View, gudo iri rinogona kunge rakabva kunzvimbo inochengetwa mhuka dzesango iri pedyo nerukisheni urwu.

Veruzhinji vanofanira kuziva kuti zvinokwanisika kuti mhuka dzesango dzisvike kunogara vanhu, zvikuru kana vari pedyo nemasango.

Muenzaniso ndewekuKariba uko shumba, nzou nenyati dzinosvika kunogara veruzhinji.

Kunyangwe kune dzimwe nzvimbo dzakaita seChirundu, mhuka dzakaita semakudo netsoko dzinotozivikanwa nekubvutira vanhu zvekudya.

Semaonero edu, zvakakosha kuti chikamu chinoona nezvekuchengetwa kwemhuka chirambe chichidzidzisa veruzhinji kukosha kwakaita mhuka dzesango. Mhuka dzesango zviwanikwa zvenyika nekudaro zvinofanira kuchengetedzwa sezvo iri nhaka yemusiiranwa.

Nguva yadarika, kune nyaya dzakambobuda dzevanhu vaichera nyoka kwaChihota vachitengesera maporofita nen’anga dzenhema inova tsika yakaipa nekuti uku kushungurudza mhuka idzi.

Veruzhinji vanofanira kudada nezviwanikwa zvakaita semhuka dzesango nekuti kune vashanyi vanotobva kunze kwenyika vachizodziona izvowo zvinosimudzira upfumi hwenyika ino.

Pfungwa yekuti pose paonekwa mhuka yemusango munzvimbo inogara veruzhinji ine chekuita nekuromba inofanira kubva muvanhu.

Kana vanhu vaona mhuka dzesango dzichimberereka munharaunda dzavagere, vanofanira kuzivisa veNational Parks and Wildlife Authority kuitira kuti dzitorwe dzichinochengetedzwa kwete kudzishungurudza.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×