‘Mweya unondiudza zvikomba zvako’

VANHU vaiva mudare vakashaya remuromo apo mumwe murume akati akange aratidzwa “pamweya” kuti mukadzi wake ari kuita zvezvikomba izvo akapihwa mazita azvo.
Jimmy Chirimba akaendesa mudzimai wake, Angeline Msakahadzi, kuHarare Civil Court achiti apfidza nechipfambi chake.

“Changamire, mukadzi uyu anoita basa rekuunza zvikomba pamba. Anotora mari yemaroja achidya navo ini ndichikwangwaya. Mumwe musi ndakabhowekana ndokuenda kumakomo ekuDomboshava kunonamata ndikapihwa feya-feya mazita ezvikomba zvake nemweya ndikabvunza mwana mazita acho akati ndivana sekuru vanombouya pamba.

“Ndinogara ndichimuudza kuti abvise mwana paHerentals College paari nekuti panondidhurira asi iye anoramba achingoda kundipfidzisa nekuti imari yandakatemerwa kumendenenzi, ndikasaibvisa ndinosungwa. Pamari yemaroja ndipo painobva mari yacho asi anoitora ndoita kunge ndisina kubhadhara,” akadaro Chirimba.

“Anoshungurudza mwana wangu zvekuti pandakamutengera nharembozha yekuti ashandise pakuverenga zvekuchikoro akatomurova achiti ndiri kumujaidza.”

Msakahadzi akaramba mhosva yaaipomerwa achiti Chirimba ari kurwadziwa nekubvisa mendenenzi pamwe negwaro redziviriro raakamutorera.“Baba ava vari kungorwadziwa nemendenenzi yandakatora nenyaya yekuti havandipe mari kana kubhadhara mari yechikoro. Mari yemaroja ndakaitora ndichitoda kubhadharira vana chikoro iye ave kungotaura zvemumusoro make kuti ndakaidya nezvikomba,” akadaro Msakahadzi.

“Kunetsana kwatiri kuita inyaya yekuti baba ava hameno kumaporofita avakaenda vakanzi mumwe mwana wedu haasi wavo saka ndipo pari kubva bongozozo rese iri asi ini ndinoziva kuti vana vese vandinavo ndevake.”

Mutongi Audrey Tarugarira akarasa chikumbiro chaChirimba achiti hapana umboo hunoratidza kushungurudzwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×