NAAZ yotumira shangwiti kuNigeria

Abel Ndooka

SANGANO reNational Athletics Association of Zimbabwe (NAAZ) rinoti rakanyorera kuHurumende richikumbira mvumo kuti rigotumira shangwiti dzerelay kunokwikwidza kumujaho weMoC relays (4×100) uyo uchaitirwa kuLagos kuNigeria svondo rino.

NAAZ yakashevedzwa kumutambo uyu neThe Athletics Federation of Nigeria (AFN) uye chikwata cheZimbabwe chinofanirwa kunge chave kuNigeria musi weChishanu chino chichigadzirira mujaho uyu uchamhanywa musi weMugovera neSvondo.

Mutungamiri weNAAZ — Tendai Tagara — anoti sangano ravo richiri rakamira mhinduro kubva kuHurumende uye kunzwa kubva kuAFN nevakotsveri vemutambo uyu kuti vagotumira matikiti endege nemaVisa evamhanyi vavo vavachatumira.

“Takangomirira kunzwa kubva kuHurumende yedu kuti tozvifambisa sei parwendo urwu uye kubva kuAFN nevakotsveri vemutambo uyu vekuNigeria avo vakatidana kuti tiende kunokwikwidza. Mujaho uyu uchashanda mukurwira zvekare tikiti rekuenda kumaOlympics saka tiri kuukoshesa zvakanyanya. Kana tapihwa mvumo, chikwata chedu chinofanira kunge chave kuNigeria musi weChishanu, choswera chakazorora chiriko nekuti musi weMugovera chinenge chakatobvondoka kumujaho uhu,” anodaro Tagara.

Anoti iye zvino havasati vaziva kuti ndevapi vatambi vavachasarudza kuti vapinde muchikwata ichi sezvo vari kumbomirira mvumo yekuenda ndipo vozotanga kudoma vatambi vekutakura.

“Pari zvino hatisati tave nechikwata asi vatinogona kutumira ndevari kurwira kuenda kumaOlympics vanosanganisira Ngoni Makusha, Chengetai Mapaya, Kundai Maguranyanga, Tinotenda Matienda nevamwe vari kurwira kuenda kuIAAF World championships,” anodaro Tagara.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×