Mwana wekubiwa muHarare akawanikwa kuSA

Munyori weKwayedza

MAPURISA akakwanisa kuronda nekudzosa mwanakomana ane gore rimwe chete rekuberekwa uyo ainge atapwa nemumwe mudzimai akaenda naye kunyika yeSouth Africa mwedzi mitatanhatu yadarika apo akabiwa kubva kuUshehwekunze, muguta reHarare uko aigara nevabereki vake.

Munhu anofungirwa kuti ndiye ainge aba mwana uyu anonzi Fortunate Tanyanyiwa uyo anonzi akatiza apo mapurisa ekuSouth Africa pamwe nenhengo dzeInterpol vakamusvikira pamba pake.

Matikitivha ekuchikamu cheCID Homicide vakaenda kuPolokwane, South Africa nemusi weChitatu pamwe naamai vemwana uyu, Yvonne Machingo (21), vachibva vasanganiswa nemwana wavo mushure menguva yakareba zvichitevera kutapwa kwaainge aitwa.

Machingo, uyo anogara zvekare kuUshewokunze, akashanyira Tanyanyiwa kana kuti Amai Tatenda mumwedzi waZvita gore rapera achiti anoda kubatsirwa pakurapisa mwana uyu kune imwe n’anga.
Mwana uyu akanga aine mwedzi mitanhatu yekuberekwa panguva iyoyo uye akanga asiri kunzwa zvakanaka.

Zvinonzi nemusi wa12 Zvita 2020, vaviri ava vakabva vaenda paBlock 11, Shawasha Flats, kuMbare uko vaida kunoona n’anga yaizobatsira Machingo.
Machingo akaudzwa kuti abude panze apo Tanyanyiwa akazosara nemwana uyu mumba men’anga iyi.
Mushure memaawa mashoma, Machingo akaedza kubata mudzimai ainge asara nemwana wake uyu asi akamushaya.
Akaedza kufona nhamba yake asi yakanga yatodzimwa.
Akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi akakundikana kumuronda.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira vachiti nyaya iyi yakaitwa nematikitivha ari kuchikamu cheCID Homicide.

“Matikitivha akaziviswa kuti Tanyanyiwa akanga ari kugara nemumwe murume kupurazi reLouis Tritchard, kuSouth Africa uye matikitivha emuno akanga ambobata nhengo dzeInterpol dzekuSouth Africa mumwedzi waChivabvu gore rapera.

“Saka matikitivha paakaenda kupurazi iri, vakaziva kuti ainge atotiza achisiya mwana uyu mushure mekunge anyeverwa kuti ari kutsvagwa nemapurisa. Haasati abatwa nanhasi,” vanodaro.
Mwana uyu akaendeswa kuPolokwane uko akanochengetedzwa apo magwaro ose ekumudzora kuZimbabwe ari kugadziriswa.

Nyaya dzekutapwa kwevana dziri kuramba dzichiwanda muZimbabwe.
Mumwedzi waGumiguru gore rapera, Miriam Bwanali anonzi akatapa mwana paMontagu Shopping Centre, muHarare.

Amai vemwana uyu, Shani Charamanda (30) vakanga vari munzira kuenda kuParirenyatwa Group of Hospitals apo vakasangana naBwanali uyo akasarudza kuperekedzwa naye kuMontagu Spar.
Vasvika paMontagu, Charamanda akapa mwanasikana wake mucheche kumudzimai uyu asi paakabuda muchitoro umu mushure memaminitsi gumi nemashanu, Bwanali ainge atotiza nemwana kusanganisira chikwama chakanga chine US$2 ne$45.

Bwanali achiri kutsvakwa uye pane fungidziro yekuti akatizira kuSouth Africa mushure mekunge mapurisa asunga murume wake Gift Chemhuru (40) wekubhuku raMotsi, kwaMambo Chirau, kwaZvimba.

Chemhuru akamiswa pamberi pemutongi wedare reHarare Magistrates Courts, Judith Taruvinga, achitarisana nemhosva yekutapa.

Mapurisa ari kushanda neveInterpol mukuronda Bwanali.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×