N’anga dzocheresa zvibhorani 40

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinomirira machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA), rinoti rakazvipira kusimudzira nyaya dzeutano munyika uye rinovimbisa kucheresa zvibhorani zvinosvika 40 muHarare nekuChitungwiza nechinangwa chekurwisa zvirwere zvemanyoka secholera.Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wemukuru weZNPA, VaChin Chai Chu, avo vanovazve health promotions and community development officer apo vaiva paimwe hotera iri kuLake Chivero pagungano rekucherechedza kukosha kwemishonga yechivanhu muAfrica nguva pfupi yadarika.

Vamwe vaive pachiitiko ichi vanosanganisira vamiririri vesangano reTalk Cancer Zimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwevana neIsland Hospice.

VaChin Chai Chu vanovimbisa kuti sangano ravo richacheresa zvibhorani 40 munzvimbo dzakatsaukana dziri muChitungwiza neHarare.

Aka hakasi kekutanga sangano iri richiita mabasa etsitsi sezvo gore rapera rakabatsira vagari vekuGlen View neBudiriro nemishonga yekuchenesa mvura uye mabhaketi mushure mekunyuka kwechirwere checholera mumisha iyi.

Vachitaurawo pagungano iri, Mai Francisca Tsikai vekuIsland Hospice vakatsanangura nezvekupepwa kwevarwere vepanhowo.

Vanoti varwere vazhinji vanotanga vaenda kun’anga nemaporofita vasati vaenda kuzvipatara nemakiriniki zvinova zvinoita kuti vanonoke kubatsirika, zvikuru varwere vegomarara avo vanozoshanyira zvipatara gomarara rakomba uye risingacharapike.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *