N’anga nemaporofita: pane musiyano here?

VaFriday Chisanyu
VaFriday Chisanyu

APOSTOLIC Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) executive moderator, Archbishop Johannes Ndanga, vanoti chiporofita, mudzimu kana hun’anga hazvidyidzane zvachose uye vanoyambira veruzhinji kuti vangwarire maporofita nen’anga dzenhema.

Mashoko avo anotevera nyaya yamumwe murume anozviti ndinyamukuta, mufundisi, isvikiro uye in’anga kuEpworth.

Sekuru SingLawyer Mushunje (51) vanoti vasunungutsa madzimai akawanda panguva iyo vanenge vakasvikirwa nemudzimu pamwe nemweya wechiporofita panguva imwe chete.

“Zvinhu izvi, mudzimu nechiporofita, hazvidyidzane zvachose. Mudzimu unomirira dzinza rawo, haurape asi kuti unotaurira mhuri zvekuita. Vamwe vave kuti vanorapa zvose nekuda kubira vanhu mari,” vanodaro Archbishop Ndanga.

Vanoti kune vamwe vari kunyepera veruzhinji vachizviti in’anga kana kuti maporofita nechinangwa chekuvabira.

“Vanhu ava vawanda mumachechi nemunharaunda nekudaro zvakanaka kuti masangano anoona nezven’anga nemaporofita aongorore nhengo dzawo kuti dzinokodzera here kuita basa kuitira kuchengetedza nyika nevanhu vayo,” vanodaro.

Ukuwo, VaFriday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, vanoti hapana musiyano pakati pechiporofita nemudzimu.

“Murume uyu senhengo yedu, vanhu vanouya kwatiri vachititenda basa ravo.

‘‘Pakurapa hazvina mhosva kuti kuchechi, in’anga, muporofita kana kuti shavi ripi, zvimwe chete nekuti zvose zvinotanga zvapirwa,” vanodaro.

VaJonathan Shonhiwa kana kuti Sekuru Mupamombe (49) vekuTshovani, kuChiredzi, vanoti masimba ose emidzimu neechiporofita anobva kuna Mwari.

“Simba remuporofita neren’anga kana mudzimu rimwe chete, rinobva kuna Mwari. Asi zvinoshandiswa ndizvo zvakasiyana chete,” vanodaro.

Madzibaba Elias Gomwe (27) vechechi yeJohane Masowe weChishanu, kuChitungwiza, vanopokana nemafungiro aya vachiti chiporofita nemudzimu zvakasiyana.

“Ini semuporofita ndinoti zvakasiyana chiporofita nemudzimu nekuti n’anga inoshandisa mishonga yechivanhu isu tinoshandisa mvura, hatibate mishonga,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×