‘N’anga’ yabatwa iine nyoka mbiri

Lovemore Kadzura

MURUME wechidiki ane makore 19 okuberekwa akasungwa mushure mekuwanikwa achitenderera munharaunda yeChikanga, kwaMutare aine nyoka mbiri mhenyu idzo anoti anoshandisa mubasa rake rehun’anga achiita mhiko, zvikuru kune vanoita zvemigodhi yezvicherwa kuti vawane upfumi.

Gift Kanodaweta, uyo anozivikanwa nezita rekuti James Malunga, akasungwa mukupera kwesvondo radarika neimwe nhengo yeZimbabwe National Traditional Healers Association (ZINATHA) mushure mekuona kuti akanga ari kuita mabasa ehun’anga asina magwaro akakodzera.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti Kanodaweta aiita basa rehurapi uye hun’anga hwemanyepo achishandisa zita ekuti Sekuru Kamutungunde.

Anonzi akawana mazai maviri kuMozambique ayo akazochochonywa kuita nyoka dzemhando yechiva nemhungu.

Mushure mekunge asungwa, nyoka mbiri idzi dzakabva dzaendeswa kubazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks).

Kanodaweta akatarisana nemhosva yekutyora chikamu cheSection 59(1)(b) chemutemo weParks and Wildlife Act (Chapter 20:14).

“Musi wa26 Chikumi, kuma10 mangwanani kuChikanga, kwaMutare, Gift Kanodaweta kana kuti James Malunga (19) anobva kwaKadzinga kwaMambo Nyajina, kwaMurehwa, uyo anozviiti in’anga achishandisa zita rekuti Sekuru Kamutungunde, akawanikwa aine nyoka yemhungu nechiva uye asina magwaro eParks and Wildlife, achityora mutemo weParks and Wildlife Act, 59 (Chapter 20:14).

“Mumwe munyeveri, Paradzayi Clever Maendayi, akaendesa munhu ari kupomerwa mhosva iyi kuZRP Chikanga Police Station, ndokumhan’ara nyaya yekuti aizviita n’anga, asi asina kunyoreswa kusangano reZimbabwe National Traditional Healers Association.

Musungwa akanga akatakura nyoka mbiri mubhegi rake achinzi anodzishandisa kuita mhiko.
“Murume ari kupomerwa mhosva iyi, akabvunzurudzwa akazviti iye in’anga inobva kuMalawi, asi akaberekerwa nekukurira kwaMurehwa uye achiti akatanga kuita zvechivanhu achiri mudiki zvikuru. Anoti akaenda kuMozambique kunosimbiswa mubasa rake rehun’anga mugore ra2024, ndokupihwa mazai maviri neimwe n’anga, ayo akazochochonywa akabudisa nyoka mbiri.

“VeZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority vakaudzwa nezvenyaya iyi ndokutumira chikwata chavo uye ndokuona kuti nyoka idzi imhungu nechiva. Musungwa akabva akaendeswa kuchikamu chemapurisa cheCriminal Investigation Department (CID) Mineral Flora and Fauna Unit, nyaya iyi ichiferefetwa. Nyoka idzi ndokuendeswa kuZimParks, kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Related Posts

Mudzimai (36) odzipwa nevanhu vasingaonekwi

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 36 okuberekwa anogara kuHatcliffe Extension, muHarare, anoti ayaura nekurumwa nezvinhu uye kudzipwa nevanhu vaasingaoni, rinova dambudziko rakatanga mushure mokunge anetsana nemumwe mukadzi pamusoro pemurume wavaidanana…

PSL yaranga DeMbare, Hardrock

Abel Ndooka PREMIER Soccer League yaranga zvikwata zvinoti Hardrock FC neDynamos pamwe chete nachamangwiza weHardrock FC – Kudzanai Hove – zvichitevera mhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium nemusi wa24 Chivabvu apo pakasangana…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×