Abel Ndooka
PREMIER Soccer League yaranga zvikwata zvinoti Hardrock FC neDynamos pamwe chete nachamangwiza weHardrock FC – Kudzanai Hove – zvichitevera mhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium nemusi wa24 Chivabvu apo pakasangana zvikwata zviviri izvi.
Mutambo uyu wakatadza kupera zvakanaka apo vatsigiri vezvikwata izvi vakatanga kurwisana ndokupinda munhandare.
Naizvozvo zvikwata izvi pamwe chete naHove vakazoshevedzwa kuti vagomira pamberi pekomiti yePSL Disciplinary Committee.
Hardrock yakabatwa nemhosva yekukonzera kutadza kupera kwemutambo wenhabvu, kupinda munhandare kwevatsigiri, mhirizhonga nekutadzisa kufambisa mutambo wenhabvu nemazvo.
Hardrock yakatongerwa kunzi ibhadhare faindi yeUS$10 000, ndokubvisirwa imwe US$2 000 nechivimbo chekuti haizopare imwe mhosva yakadai mwaka uno.
Hardrock yakatongerwa zvakare kuti itambe mutambo mumwe chete munhandare isina vatsigiri.
Dynamos yakabatwawo zvakare nemhosva dzimwe chete uye neimwe nekuparadza chimwe chikamu munhandare yeChahwanda, ndokutemerwa chirango chekuti ibhadhare faindi yeUS$10 000.
DeMbare yakanzi inofairwa kunyora chinyorwa chekuzopa chamanagwiza wePSL apo ichazivisa kuti ichange ichitora matanho api ekuchengetedza runyararo mumitambo yayo inotevera.
Hove, uyo akabatwa nemhosva yekupinda munhandare nekuita mhirizhonga, akatemerwa chirango chekuti abhadhare faindi yeUS$5 000 uye ndokunzi mwaka uno asawane chekuita nenhabvu kusvika wapera.
Zvikwata zviviri izvi zvakanzi zvigotambe maminitsi ainge asara emutambo uyu munhandare iyo ichazoziviswa nePSL.



