Kingstone Mapupu
MUDZIMAI ane makore 36 okuberekwa anogara kuHatcliffe Extension, muHarare, anoti ayaura nekurumwa nezvinhu uye kudzipwa nevanhu vaasingaoni, rinova dambudziko rakatanga mushure mokunge anetsana nemumwe mukadzi pamusoro pemurume wavaidanana naye vose vari vaviri.
Mai Concillia Kapiya — avo kumusha vanobva kuChisambiro, kwaMambo Chimoyo, kwaMutoko — vanoti vakatanga kunzwa muviri wavo uchifambwa nezvinhu, vachirumwa uye vachiita makwati-makwati paganda ravo mugore ra2010.
Mudzimai uyu anoita basa rekutengesa doro kuHatcliffe.
“Mugore ra2010, ndakangotanga kufambwa muviri wose nezvinhu zvandaisaona, izvo zvaindiruma, kusvikira ndazobuda makwati akaita seenyoka kana kuti zviya zvinoita rwaivhi kana kamba,” vanodaro Mai Kapiya.
Vanoti kwavaifamba vaingonzi vakashereketerwa nevavengi, ndokuedza kubatsirwa pasina chaishanduka.
“Ndakaenda kuchipatara ndichifunga kuti raive dambudziko reganda, vanachiremba vakashaya chirwere. Izvozvi hakuna kwandasiya, kusanganisira kumaporofita nekudzin’anga,” vanodaro Mai Kapiya.
Vanoti kumavambo egore rakapera, vakazotanga kudanana nemumwe murume vasingazivi kuti aive nemhuri yake kwakare kuHatcliffe.
“Panguva yandakadanana nemurume uyu handina kuziva kuti aiva nemudzimai wake nemhuri uye kuti aidanana nemumwewo mudzimai wemunharaunda umu. Vose vakazopedzisira vaziva kuti ndaifambidzana nemurume uyu,” vanodaro Mai Kapiya.
Vanoti shamwarikadzi yemurume wavaidanana naye uyu akazouya kumba kwavo, ndokutanga kuvapopotera. Akavati vasiyane nemurume uyu.
“Mudzimai uyu akandivinga kumba kwangu, akanditukirira zvose zvaaida, achiti ndisiyane nemurume uyu. Akanditi aizoita zvose zvaaigona kuti tirambane, ndikamupindura kuti tose taive shamwarikadzi kumurume uyu sezvo aive nemudzimai nemhuri yake,” vanodaro Mai Kapiya.
Vanoti vakazotanga kuona masaramusi anosanganisira huku yakangouya pamba pavo, ndokusvikokandira mazai mavanoitira basa rekutengesa doro.
“Huku iyi vamwe vakati yaive yekutandidzirwa sezvo pasina munhu aiziva kwayaiva yabva. Kune vamwe vakaita chivindi, vakabva vaitakura ndokunoirasa musango zvose nemazai ayo. Mushure memazuva, kwakazouya hanga yemusango ichibhururuka ndokusvikotanga kuzvirovera
pahwindo seinorwa nemunhu, ichiratidza kusatya vanhu vainwa doro,” vanodaro Mai Kapiya.
Vanoti vakazotangawo kuona ma“tissue” aive akaiswa tsvina yemunhu pamba pavo, kusanganisira pahwindo pakambosvikira hanga iya. Vanoti zvose izvi vaitora vachirasa mugomba remarara.
“Mudzimai uyu akanditaurira kuti aida kuona ndichirambana nemurume uyu zvachose uye kundiisa munyama wokuti doro rangu rishaye aizoritenga, ini ndoonekwa semunhu anonhuhwa pane zvose zvandinoita,” vanodaro Mai Kapiya.
Vanoti mumwedzi waZvita gore rakapera, vakangokatyidzwa, ndokutanga kukosora. Vakange votadza kufema zvakanaka.
“Zvinhu zviya zvakambondifamba muviri nekundiruma zvakatanga kuenda pahuro pangu. Kubva panguva iyi ndakabva ndatanga kudzipwa nevanhu vandisingaoni kusvika izvozvi,” vanodaro Mai Kapiya.
Kunze kwekurumwa nekufambwa nezvinhu zvavasingaoni vanoti vakatangawo kuzvimba dumbu, ndokuenda kuchipatara kunotsvaga rubatsiro asi hapana kuva neshanduko.
“Ndatambura nekunanairwa nezvinhu zvandisingaoni zvinondiruma uye ndinodzipwa zvakare nevanhu vandisingaoni. Nomusi weMugovera wadarika, mudzimai uyu akauya kumba kwangu ndokundidira ivhu nekundimwaya madhaka kumeso nemuviri achiti ndisiyane nemurume uyu,” vanodaro Mai Kapiya.
Vanoti mudzimai uyu akazouya kumba kwavo usiku ndokutaura kuti achapedzerana navo.
“Akabuda pachena kuti anouya kumba kwangu usiku ndakarara achiita zvaanoda. Zvakadaro, kwose kwandinofamba ndinonzi ndakagadzirwa nemunhukadzi nokuda kwemurume wandinodanana naye,” vanodaro Mai Kapiya.
Vanoti vakazotangawo kudanana nemumwe murume, wavakazobatikidzwa vainaye nemurume wavari kunetserana nemumwe mukadzi, vachibva vamubudira pachena kuti havachamuda.
“Ndakamutaurira kuti ndakakanganiswa nemadzimai ake padambudziko randinaro iye akazviramba. Akazoita kuti ndisakwanise kumuridzira nhare apo akandiwanikidza ndiine mumwe murume mumba, uyo ndave kudanana naye,” vanodaro Mai Kapiya.
Vanoti bhizimusi ravo rekutengesa doro rakabhuroka.
“Ndiri kubatsirwa nanachiremba akasiyana-siyana echivanhu nemaporofita. Zvave kuita nane zvazvo,” vanodaro Mai Kapiya.
Murume anonzi aidanana naMai Kapiya pamwe chete nemadzimai maviri ari munyaya iyi havana kubatika panhare dzavo kusvikira pakubuda kwenyaya ino.
Zvakadai, nyanzvi yezvechivanhu, Gogo Mamoyo, vanoti Mai Kapiya vanogona kunge vakashereketerwa pachishandiswa mishonga yakasiyana-siyana.
“Mudzimai uyu anogona kunge akaroyiwa nemishonga inosanganiswa nemisoro yenyoka yakapiswa nemarwaivhi akapiswa zvakare. Panogona zvakare kunge paine mweya yezvidhoma neyevanhu vakafa yakaiswa pamudzimai uyu,” vanodaro Gogo Mamoyo.




