Nantes yochemera Ranieri

CLAUDIO Ranieri (ari pamufananidzo pamusoro) akabvuma kudzoka kuzorairidza nhabvu kekutanga zvichitevera kudzingwa kwaakaitwa basa neLeicester City asi zvinogona kutadzika nekuda kwemakore ake.

Ranieri ndiye ari kutarisirwa kugadzwa pachigaro chinopisa kuchikwata cheNantes chekuLigue 1, icho chiri kumirira kunzwa kubva kuFrench Football Federation (FFF) pamusoro penyaya iyi. Mitemo yeFFF inoti zvikwata zvenhabvu hazvikwanise kugadza murairidzi anenge adarika makore 65 ekuberekwa pachigaro uye Ranieri akasvitsa makore aya gore radarika.

Mutungamiri weNantes – Waldemar Kita – akaudza France Info kuti, “Ligi riri kubvumirana nazvo, asi ndinoziva kuti FFF ndiyo iri kunonoka kumugadza, handizive kuti sei.

“Chatiri kuda hunyanzvi hwaRanieri semurairidzi wenhabvu nekuti tinoziva kuti akwanisa kurairidza zvikwata zvikuru muEurope.”

Ranieri akahwina mukombe wePremier League mumwaka wake wekutanga achirairidza Leicester City, ndokutungamira chikwata ichi muChampions League kusvika chakwanisa kufambira mberi kubuda muboka racho gore radarika.

Asi akazodzingwa basa muna Kurume zvichitevera kudzikira kwainge kwave kuita matambiro echikwata ichi. Ranieri akamborairidza zvikwata zvakawanda zviri muEurope zvinosanganisira Fiorentina, Valencia, Atletico Madrid, Chelsea, Juventus, Monaco nenyika yeGreece.

Ave kuda kudzokera kuzorairidza kuFrance uye Nantes yakakumbira French FA kuti ibvise mutemo wavo wemakore unotarisirwa pavarairidzi kuti ikwanise kumugadza panyanga. Izvi zvakamboitika kare apo Lens yakagadza Guy Roux semurairidzi wayo. – Daily Mail Football.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *