‘Ndairapwa TB nedzvinyu’

Daphne Machiri
MUDZIMAI anogara kuChakari, kuKadoma, anoti akasvika pakunwiswa mvura ine muswe wemadzvinyu nekutemerwa nyora muviri wake wose mushure mekurwara kwenguva refu achinzi akaroyiwa asi ndokuzobatwa kuti ane chirwere cherurindi (TB).

Muhurukuro neKwayedza, Jane Musongeya anoti akarwara gore ra2016 apo zvakatanga chiri chisasa panhongonya yemusoro zvikazoita kuti afambe mudzin’anga nemaporofita achitsvaga rubatsiro.

Neshungu dzekuda kupona, Musongeya anoti akasvika pakuenda kuimwe n’anga uko akanonzi anwe mvura ine muswe wedzvinyu kuti apore.

“Ndakarwara zvekusvika pakutadza kufamba kana kumuka makumbo angu achizvimba nemusana uchibanda zvekutadza kana kukotama. Ndaisakwanisa kubata chinhu, ndisingagone kuzvibatsira.

“Ndakapedzisira ndoshandisa musango nekuda kwekuti muchimbudzi ndaisakwanisa kugara, saka ndaizvibatsira ndakamira.

“Ndipo pandakazonzi nemumwe zvaindirwarisa kuroyiwa, zvinotopera bedzi kana ndikanwa mvura ine miswe yemadzvinyu,” anodaro Musongeya.

Anoenderera mberi: “Ndakafamba mudzin’anga zvekuti hapana pakasara pamuviri wangu kutemerwa nyora. Kumaporofita ndakapihwa jira dzvuku randaigara ndakasunga muruwoko.

“Zvose izvi hakuna chakashanda. Zvakasvika pakuguma vamwe vave kuti nditore kapu yandisingachashandise, ndoitira weti imomo ndonwa. Asi izvi handina kuzviita, ndakaramba nekuti ndakanga ndave kuti handichapora.”

Anoti vamwe vanhu vaimuti akaroyiwa. “Vakawanda semadzimai vaiuya kumba kwangu vachiti ndakaroyiwa, vamwe vachiseka ndikasvika pakunyora chikwangwari pamba pangu chakanzi, ‘Beware of dogs’ nekuti ndakange ndave chiseko chenyika nekurwara.

“Vamwe vaiuya kumba kwangu vaingodongorera nekuti ndakange ndapera zvekubva pahuremu hwe85kg kudonha kuenda pa53kg,” anodaro Musongeya.

Anoti akapera zvekusvika pakuremerwa nenhumbi neshangu zvaanenge akapfeka.

“Ndaigezeswa nemwana wangu mukomana nekuti ndaiva ndisina chandaikwanisa kuzvibatsira nacho.”

Musongeya anoti nekufamba kwenguva, akazoziva kuti aiva nechirwere cherurindi kuburikidza nezvirongwa zvinoitwa pachena nebazi rekurerwa kwevana rakabatana nemamwe masangano.

“Ndakataurwa neni nemachiremba vachitsanangura ongororo yandakange ndaitwa ndikaonekwa ndiine TB vachiti ndaiva nemvura mumapapu. Pakutanga ndakazviramba ndichiti hakuna zvakadaro, ndakaroyiwa nekuti vanhu vainditi kurwara kwako hakusi kwega, chivanhu.

“Asi ndakazozvinzwisisa mushure mekutsanangurirwa,” anodaro Musongeya.

Anoenderera mberi: “Ndakaongororwa zvakare ndikawanikwa ndiine utachiona hweHIV. Iye zvino ndinotobatsira vakawanda ndichivataurira rwendo rwekurwara kwangu.

“Ndinokurudzira veruzhinji kuti vaende kunoongororwa utachiona uhu kuzvipatara nenguva. Hakuna chirwere cherurindi chinopedzwa nenyora kana matombo nemvura zvekun’anga nemaporofita. Vanhu ngavaende kuchipatara vanobatsirwa.”

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×