‘Ndakachengeteswa mwana asiri wangu’

Kingstone Mapupu
MURUME wechidiki wekuGlendale, kuMashonaland Central, anoti akapedza mwedzi mina achigara nemwana ane makore mana okuberekwa uyo akaramirwa nemudzimai ari kumupomera kuti ndewake, asi ongororo yeDNA ndokuti handiye baba vacho.

Steven – uyo anonyanya kuzivikanwa nekunzi baba Bhubha (21) – anoti akadanana nemumwe musikana vachiri kuchikoro mugore ra2014 apo iye aiita Fomu 3 uye musikana uyu ari Fomu 1.

Anoti vakapinda pabonde zvikazoita kuti musikana uyu ati akanga ava nepamuviri.

“Ndakadanana nemusikana uyu tichipinda chikoro pamwe chete kuGlendale apo akazonditi abata pamuviri.

‘‘Musikana uyu akanditizira ndokuzonditiza pamba pedu apo baba vangu vakanditi taiva vana vadiki vachiti taifanirwa kuenda kumapurisa kunotaurirana,” anodaro.

Steven anoti vaishupana nekupesana pamazuva ainge aberekwa mwana uyu izvo zvaanoti zvaisiyana nemazuva avakasangana.

“Tagara musikana uyu, akazoenda kumba kwavamwene vehanzvadzi yangu kuGlendale uko akanosiya mwana uyu pavheranda remba yavo apo akarara husiku hwose ndokuzoonekwa rechimangwana racho. Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa tikanzi tichengete mwana uyu,” anodaro.

Anoti akazoridzira nhare musikana uyu akabvuma kuti ndiye aiva asiya mwana uyu kuti vamuchengete sezvo ari wavo.

“Panguva yandakapomerwa kuti ndakaitisa musikana uyu pamuviri, ndakatozoguma ndabva munzvimbo iyi iye mudzimai uyu, Mai Tawananyasha, vachibva vazoendawo kuMt Darwin.

“Nekuramwirwa kwandakaitwa mwana uyu, ndakazofunga kuenda kuDNA tests kuti mwana uyu anoongororwe kuti ndewangu here,” anodaro.

Ongororo yeDNA yakaitwa pana Steven nemwana uyu yakaburitsa kuti handiye baba chaivo vemwana uyu.

Steven akava nekufara nekusuwa panguva imwe chete nekuda kwezvakabuda izvi achiti ava kuwana simba rekunodzosera mwana uyu kuna amai vake.

“Ndafara zvikuru, ndakagara ndichizviva kuti mwana uyu aisava wangu.

‘‘Saka ndava kunodzosera mwana uyu kuna amai vake kana kuvabereki vemukadzi uyu votsvaga baba vacho chaivo. Ini hangu handina chakaipa nemwana uyu,” anodaro.

Related Posts

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×