Tendai Gukutikwa
MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga.
Izvi zvakabuda mudare raMambo Mutasa nguva pfupi yadarika apo Lloyd Samanyanga aida rubatsiro rwokuti asarambe achishungurudzwa nemudzimai wake.
Vanhu vaive mudare iri vakaona kuti chiso chake chaive chakazvimba apo aitaura pamusoro pekushungurudzwa kwake kwemakore matatu.
Samanyanga anoti mhirizhonga yemumba iyi yakatanga mushure mokunge aroora Dorcas Dzvairo muna 2023 uye yaramba ichienderera mberi zvisinei nokuti mhuri yake neyemudzimai vanombozama kuvayananisa.
“Mudzimai wangu anondishungurudza zvakanyanya. Kubvira pandakamuroora, handina kumbobvira ndawana rugare. Ndakatsvaga rubatsiro kuvabereki vangu uye vakazama kutaura naye asi hapana chakasanduka. Ndakamhan’ara zvakare nyaya iyi kuvabereki vake, avo vakazama kutiyananisa kakawanda, asi kurohwa kwangu hakuna kumira,” anodaro.
Samanyanga anoti pakutanga akambofunga kuti kunetsana muwanano yavo kwaibva padambudziko rekushaya mbereko.
“Pakutanga, ndakafunga kuti ari kunetseka nokuti takange tisina vana. Mushure, takazoropafadzwa nemwana, ndokuvimba kuti zvinhu zvichasanduka,” anodaro Samanyanga.
“Hapana chakasanduka. Ndakaramba ndichirohwa sokunge ndaiva mbavha mumba mangu.”
Anoti mamiriro ezvinhu akazonyanya kuipa kusvikira vabereki vemudzimai wake vati vanofanirwa kutsvaga rubatsiro kumaporofita senzira yekugadzirisa mhirizhonga iyi.
Samanyanga anoti kumuporofita kwavakazoenda vakaudzwa kuti dambudziko remuwanano mavo raikonzerwa nemweya wakaipa. Vakaudzwa zvakare kuti pane chivanhu chaifanira kuitwa, izvo zvakazoitwa nemhuri yemudzimai wake.
“Takaendeswa kune mumwe muporofita, uyo akati mudzimai wangu haaifanira kunge akaroorwa nokuti mukadzi wechikwambo. Vabereki vake vakatsinhira zvakataurwa nemuporofita uyu. Vakaudzwa kuti vaite chivanhu chavaifanirwa kunge vakaita asati aroorwa. Takatevedzera zano iri, mushure mezvo akabva abata pamuviri, tikazoropafadzwa nemwana,” anodaro.
Samanyanga anoti kunetsana kwavo kwakanyanya kwakakonzerwa nemakuhwa uye enzaniso yaiitwa neshamwari dzemudzimai wake.
“Anotenda zvose zvaanoudzwa nevanhu. Anoteerera makuhwa, ondirwisa asina kundipa mukana wokuti ndizvidavirire.
“Anondipomera kuti ndinopa mari yangu yose yepeyi kuna amai vangu, ndisingachengeti mhuri yangu, asi chokwadi ndechokuti mari yandinowana haikwani,” anodaro.
Samanyanga anotsanangudza chiitiko chakanga changobva mukutora nzvimbo, apo airwara, achiti ainge asati amborohwa zvakadaro.
“Svondo rapera, ndakanga ndisinganzwi zvakanaka uye ndaitamba nemwana wedu apo akandirwisa. Akashandisa mugoti kundirova, ndokundiruma panzvimbo dzakasiyana-siyana.
“Chiso changu chichakazvimba nokuda kwekurohwa uku. Ndinogara ndichirohwa,” anodaro.
Samanyanga anotiwo akambomhan’ara nezvekurohwa kwake kuPenhalonga Police Station, ndokuzobvisa nyaya yacho kumapurisa nechinangwa chokuti wanano yake isaparare.
“Ndakabvisa nyaya iyi kumapurisa nokuti ndinoda mudzimai wangu uye ndaida kuchengetedza wanano yangu. Ndichitarisa kumashure pari zvino, ndiri kuona kuti hapana chakasanduka mushure mokunge ndabvisa nyaya iyi kumapurisa,” anodaro.
Anopomera zvakare mudzimai wake kunwa doro zvakadarikidza, izvo anoti zvinowedzera kuti aite mhirizhonga.
“Anonwa doro uye ndinovimba ndizvo zvinokonzera kuti aite unhu hwakadai. Anokoshesa shamwari dzake kudarika ini. Pose pandinoti ngatishanyirei vabereki vake kuBuhera kuti vatiyananise, anoramba nokuti haadi kusiyana neshamwari dzake,” anodaro.
Dzvairo akaramba zvaaipomerwa, achiti murume wake nehama dzake vari kubatsirana kukanganisa chimiro chake.
“Ari kunyepa. Iye nevemhuri yake vari kuda kuti ndionekwe semumhu akaipa. Zvavari kutaura pamusoro pangu hachisi chokwadi. Handinwi doro ini,” anodaro.
Dzvairo akapomera Samanyanga kutadza kunyatsoriritira mhuri yake, achiti nyaya yekunetsa kwemari ndiyo yaive pamwongo wekusawirirana kwavo.
“Haauyi nemari kumba yekuchengeta mhuri. Pose pandinomubvunza nezvemari anoti kutivakira kwaakaita imba yokuti tigare zvakangofanana nekuve nechikafu uye hapana chimwe chinhu chandinofanirwa kuti ndibvunze. Vana vangu havazivi kuti mari yababa vavo inotaridzika sei asi anozivikanwa zvakanyanya pazvitoro zvemunharaunda nenyaya yekutenga tunonaka achidya ega,” anodaro.
Dzvairo anotiwo wanano yavo yaparara kusvika padanho rokuti havachavi nebonde vose.
“Iye zvino kwapera mwedzi miviri tisina bonde,” anodaro.
Mashoko ake aya akabva aita kuti Mambo Mutasa vapindire, vachibvunza kuti zvinoita here kuti vaviri ava vapanane bonde zvichitevera magariro avari kuita.
“Pane angafadzwa nebonde here kana mugoti uchigara wakarembedzwa pamusoro pake?” vanobvunza kudaro Mambo Mutasa.
Muzukuru waSamanyanga, Patience Kaisa, akatsinhira zvakataurwa nasekuru vake, ndokuudza dare kuti akarandutsira vaviri ava kakawanda apo vairwisana.
“Ndakamisa kurwisana kwavo kakawanda. Mukadzi uyu akarova zvakare amai vaSamanyanga, ndokuvarambidza kuti vaone muzukuru wavo. Ndakambovati vaende kumapurisa nekubazi rinoona nezvemadzimai, chinangwa chiri chokuti vabatsirwe,” anodaro.
Kaisa anoti Samanyanga akakuvara kakawanda nokuda kwekurwisana muwanano yavo.
“Ukaona mavanga ari pamuviri wake, unomunzwira tsitsi. Pari zvino ari kugara pamba pangu nokuti anotya kudzokera kumba kwake. Mushure mekunetsana kwavo nguva pfupi yadarika, baba vemudzimai wake vakashevedzwa, asi pane kuti vabatsire mukuvayananisa vakaudza
Samanyanga kuti adzoserewo paanenge achirohwa nemudzimai wake,” anodaro.
Mushure mekunzwa nyaya iyi kubva kumativi maviri, Mambo Mutasa vakashoropodza mhando ipi zvayo yemhirizhonga. Vakakurudzira vaviri ava kuti vatsvage kupangwa mazano zviri pamuteno, vachibatsirwa nevemhuri dzavo.
“Wanano haisi nhandare yetsiva. Mhirizhonga haina nzvimbo zvachose mumba. Mhuri mbiri idzi dzinofanirwa kuisa misoro pamwe chete mukugadzirisa dambudziko iri,” vanodaro.
Mambo Mutasa vakakurudzira Samanyanga kuti amhan’are kumapurisa kushungurudzwa kwose kwaanenge achiitwa kuitira kuti nyaya iyi igadziriswe maringe nemutemo.
“Kana paine mhirizhonga ipi zvayo, ngaimhan’arwe kumapurisa. Mutemo unofanirwa kutenderwa kutora nzvimbo yawo, uku mhuri dzichishanda mukugadzirisa zviri kunetsa,” vanodaro Mambo Mutasa.




