‘Ndakakuramba, asi ndinokuda’

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUMWE musikana anoti akarambwa nemukomana waaimbodanana naye asi zvino ava kugara achimunetsa achiti anofanira kupota achimugezera mbatya dzake. Bernard Tapera akamiswa mudare reHarare Civil Court naMafaida Suwardi achimupomera kuti anomufonera achimutuka zvose nehama dzake.

“Nemukomana uyu takambodanana, asi akazondiramba. Dambudziko nderekuti ava kupota achinditevera kubasa achindishungurudza. Anofona achindipopotera, kana hama dzangu anotora nhamba dzavo mufoni mangu otanga kuvatuka nekutaura zvisirizvo pamusoro pangu,” anodaro Suwardi.

Anoenderera mberi achiti Tapera ndiye akamuramba asi zvava kumushamisa kuti ava kumunetsa achiti anoda kuti vadzokerane.

“Ndiye akandiramba ndikazvigamuchira asi izvozvi ava kuita kunge ndini ndakamuramba nekuti ava kundishungurudza. Ndava kutogara ndakadzima foni yangu asi akangoona kuti yabatira chete, ava kutondifonera,” anodaro.

Achipawo divi rake, Tapera anoti ichokwadi kuti akaramba Suwardi asi akazomukumbira ruregerero. “Zvaari kutaura handizvirambe, hongu ndakamuramba asi ndakamukumbira ruregerero akaita seandiregerera zvekuti anotorara kumba kwangu. Asi ndikada kuti andiwachire, anoramba zvinoita kuti ndizomufonera ndichimupopotera,” anodaro.

Anoti haapikisane nechikumbiro chaSuwardi chekuti apihwe gwaro redziviriro.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Suwardi gwaro redziviro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *