Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MURUME wekuMhangura akakatyamadza vanhu vaive mudare reChinhoyi Regional Court apo akazama kunzvenga mhosva yekubhinya mwanasikana wemudzimai wake ane makore gumi okuberekwa achiti akamubata chibharo ari kuhope achiita seari kurota.
Murume uyu — uyo watisingadome nezita rake kuitira kuchengetedza kodzero dzemwana waakabata chibharo — anogara paPlot 9 Arda, kuMhangura, uye akatongerwa kupika jeri kwemakore 20 mushure mekubatwa nemhosva yekubhinya mwana uyu.
Mutongi mukuru wedare reChinhoyi Regional Court, Amos Mbobo, akabvisira mupari wemhosva uyu makore maviri pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.
Dare rose rakaomerwa nemate mukanwa apo murume uyu akakumbira kurerutsirwa mutongo wake achiti akarota achibhinya mwana wemudzimai wake uye haana kuziva kuti zvaitoitika.
“Ndaifunga kuti ndiri kurota, handina kuziva kuti zvaitoitika sezvo aive manheru ndakarara,” anodaro murume uyu.
Mutongi Mbobo anoti mhosva yakaparwa nemusungwa yakaipisisa nekudaro anofanira kupihwa mutongo wakaoma sezvo akambopedzera dare nguva achiramba mhosva.
“Nhunzvatunzva dzinenge iwe hadzitenderwi kugara pakati pevamwe vanhu munharaunda. Iye zvino wakanganisa upenyu hwemwana uyu.
‘‘Unotoda mutongo unorwadza kuti vamwe vakaita sewe vari kunze uku vadzidze,” anodaro Mbobo.
Muchuchusi Trustmore Mukarati akaudza dare kuti musi wa23 Gunyana gore rino, murume uyu akati mwanasikana uyu anorara mumba make apo amai vake vakange vaenda kumusangano wechechi yeJohane Masowe kupurazi reRixton.
Mupari wemhosva ndipo paakamubata chibharo mushure ndokumutyisidzira achiti kana akangozviburitsa bedzi aizomuuraya.
Nyaya iyi yakazobuda mushure mekunge mwana uyu audza vavakidzani vavo avowo vakazotaurira tete vake zvikaita kuti murume uyu asungwe.




