Ndakatamba nenguva: Boateng

AIMBOVE mutambi weAC Milan neTottenham, Kevin-Prince Boateng, akataura pamusoro penguva iyo akaparadza mari yake nekutenga motokari dzakawanda pamwe nekuswera ari mumabhawa nevanhu vaimunyepera kuti ishamwari dzake.Boateng, uyo ave kutambira Las Palmas yekuLa Liga, anobvuma kuti pane nguva yaaitadza kuzvibata muhupenyu hwake nekuda kwembiri nemari zvaaiwana kuburikidza nekutamba nhabvu.

Mutambi weGhana uyu akaumba zita rake muEurope panguva yaakatambira Milan yekuItaly, asi mbiri yake iyi yakazopedzisira yamupinza mukuita zvinhu zvisina pundutso.

“Kwandiri hapana chandaishaya. Zuva rega-rega unenge une mazimari akawanda zvekuti unotenga chero chawada,” akadaro Boateng.

Anoenderera mberi achiti, “Mumakore maviri, ndakaparadza mari yangu yose ndichitenga motikari, zviringazuva, shangu, ndichienda mumabhawa nemekudyira neshamwari dzainge dzisiri dzepamwoyo. Kumunhu akaita seni uyo akakurira munharaunda yekutambudzika ndisina mari, zvainge zvakashata zvikuru.”

Mutambi uyu, uyo ane makore 29 okuberekwa, anobvuma kuti akakanganisa muhupenyu hwake, asi kukanganisa uku anoti kwamubatsira kuti ave munhu akanaka pakupedzisira.

“Muhupenyu, zvakakosha chaizvo kuti uzive zvakashata. Ndinotenda zvandakakanganisa, iye zvino ndave zvandiri. Ndave kuziva zvakanaka nezvakashata, ndave kugona kuronga hupenyu hwangu,” anodaro. – Daily Mail Football.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *