Vechidiki vakapa ropa

CHIKWATA chevechidiki vakazvipira kupa ropa rekubatsira varwere muzvipatara, chePledge 25 Club, nguva yadarika chakapa ropa rinosvika 820 units, rinova rakasara nepadiki-diki kuti vasvitse 900 units hunova huwandu hwavanotarisirwa kupa munyika yose.Zvakadai, kuti munyika muve neropa rinokwanirana, panofanira kuve nemaunits 6 690.

VaTichaona Saira, avo vanove head planning and recruitment kusangano reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ), vanotenda chikwata ichi nekupa kwachiri kuita ropa.

“Chikwata chePledge 25 Club Zimbabwe chinosanganisira vechidiki vakazvipira kupa ropa rine huwandu hwe30 units kusvika pavanosvitsa makore 30 ekuberekwa. Vechidiki ava vanonyoreswa kuti vange vachipinda muchirongwa ichi uye vanobvira pamakore 16 kusvika 21 ekuberekwa.

“Vanokwanisa kupa ropa kusvika pamakore 65 ekuberekwa asi vanofanira kunge vaine utano hwakanaka,” vanodaro VaSaira.

Sangano ravo, vanodaro VaSaira, riri kutarisira kuwana 6 690 units dzeropa kusvika pakupera kwemwedzi waZvita.

“Tinotarisira kuvandudza chirongwa chePledge 25 Club Zimbabwe kuti chinge chichiwanikwa mumatunhu ose. Sesangano, tiri kutarisana nematambudziko enzvimbo dzakanaka dzekutorera vanhu ropa, zvikuru munguva yekunaya kwemvura uye kubatikana kunogona kuitika kuvapi veropa apo vanokundikana kuuya kuzopa ropa nekuda kwekuti vanenge vaine mamwe mabasa,” vanodaro.

Vanokurudzira nhengo dzePledge 25 Club Zimbabwe kuti dzishanyire nzvimbo dzinotevera kuti dzinopa ropa.

“Mumwedzi waZvita, nhengo dzechikwata chePledge 25 Club Zimbabwe dzichange dzichipa ropa kuBindura nemusi wa14 Zvita, Chegutu 13 Zvita, Chinhoyi 21 Zvita, Kadoma neKaroi 20 Zvita, Marondera 15 Zvita, Murombedzi 19 Zvita, Mvurwi 13 Zvita, Banket 21 Zvita, Chivhu neChiredzi 17 Zvita, Rufaro 19 Zvita, Chimanimani 19 Zvita, Rusape 17 Zvita neNyanga 21 Zvita.

VaIsaac Amidu vachipa ropa
VaIsaac Amidu vachipa ropa

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vaipa ropa vanosanganisira Kudzaishe Kashangura (16), uyo anodzidza paGlen View 3 High, muHarare.

“Aka ndekekutanga kupa ropa. Ndakave nechido chekupa ropa mushure mekunge sangano reNBSZ rashanyira zvikoro munharaunda yedu richifundisa nezvekukosha kwekupa ropa,” anodaro.

VaIsaac Amidu (36) vanoti vanofara zvikuru kupa ropa sezvo vachiziva kuti rinozobatsira varwere.

“Ini kave kechi18 ndichipa ropa nekuti ndine shungu dzekubatsira vanhu vanenge vapinda panyatwa dzakadai setsaona kana madzimai aye anorasikirwa neropa panguva yekusununguka,” vanodaro.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *