Ndanzwa nekudashurwa namaiguru: Nyachide

Tafadzwa Mutsotso

NYACHIDE wekugara achioneswa pfumvu nekurohwa pamwe nekutukwa navahosi pabarika ravari akazopotera kudare redzimhosva.Alice Garikai akaendesa vahosi vake, Angeline Bokoto, kuHarare Civil Court achiti anomushurungudza nenyaya yekuti anodanana nemurume wake asi ivo vari pachipari.

Garikai akaudza mutongi Yeukai Dzuda kuti: “Maiguru vanogara vachiuya kumba kwangu vachindirova nekuputsa midziyo yangu. Handizive kuti vanozviitirei nekuti ini kumba kwavo handisvike.

“Vanonditi ndiri pfambi yemurume wavo asi chavanofanira kuziva ndechekuti ini ndakatobvisirwawo mari.

“Maiguru vane tsika yekuti kana baba vari kwangu vanouya vachipopota vakamira pamusiwo vachitaura zvinyadzi. Ndinokumbirawo dare ridzivise amai ava kusvika kumba kwangu nekuti vatondishaisa rugare.”

Bokoto akaudza dare kuti haana kunge achiziva kuti Garikai akange akatobvisirwawo pfuma yeroora nemurume wake.

“Ndanga ndisingazvizive kuti takaroorwa nemurume mumwe chete nekuti chandakangoita kuona murume wangu ari kumba kwake asi haana kunge ambondiudza kuti ndiamainini saka ndakangofunga kuti vaiita havo zvechipfambi.

“Kumba kwake ndinoenda nekuti murume wangu anoenda achinorovera kumba kwake asi anenge asiya vana vasina kana chekudya. Ndiye akatondirova achinditi ndisasvike pamba pake asi ini ndakanga ndisina kumbovinga iye,” akadaro Bokoto.

Bokoto akati anopikisa chikumbiro chaGarikai chekuti apihwe gwaro rerunyararo achiti hazviite kuti asasvike pamba pake.

“Chikumbiro chake ndinochipikisa nekuti hazvigone kuti ini ndirambidzwe kusvika pamba pake ipo pari ipo panogara murume wangu. Ndinenge ndichida kuona murume wangu kuti ndimuudze zviri kunetsa kumba uye zviri kudiwa nevana. Saka ndinomuudza sei kana dare rikandirambidza kusvika kumba kwake?”

Mutongi Dzuda akapa Garikai gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *