NDAROVERA HOKO: CHIPEZEZE

Abel Ndooka
MUBATI wepagedhi weWarriors Elvis Chipezeze anoti atoroverera hoko pagedhi uye acharwa semvumba kuti arambe achibatira chikwata chenyika ichi.

Chipezeze nguva yadarika akapomerwa mhosva nevatsigiri venhabvu vachiti ndiye akadyisa maWarriors apo akazvamburwa 4 – 0 neDemocratic Republic of Congo kumakwishu eAfrcia Cup of Nations (Afcon) ayo akaitirwa kuEgypt.

Asi murairidzi wemaWarriors mutsva, Joey Antipas, akamupa mumwe mukana ndokumushevedza kuzotambira chikwata chenyika murwendo rwekurwira kuenda kuQatar 2022 World Cup.

Muhurukuro neKwayedza kunhandare yeNational Sports Stadium nemusi weChipiri chino apo maWarriors ange achangobva kukunda Somalia 3-1, Chipezeze anoti akambobatikana zvikuru nezvakataurwa nevanhu nekuda kwemutambo weAfcon asi akaramba achishanda nesimba.

“Zvakawanda zvakataurwa asi ndakawana rutsigiro kubva kuvanhu vakawanda nemurairidzi wangu uye mhuri yangu. Zvinowanikwa munhabvu asi chikuru kuramba ndichingoshanda nesimba chete,” anodaro.

Mutambi uyu – uyo anotambira Baroka FC yekuSouth Africa – anoti chivimbo china Antipas maari anochikoshesa zvikuru.

“Rutsigiro rwandapihwa nemurairidzi runondikoshera zvikuru saka ini ndinofanirwa kuramba ndichishanda nesimba chete.

“Kundigadza kwaaita kuve mubati wemaWarriors kunorakidza kuti anovimba neni saka iniwo ndicharwa semvumba uye ndichishanda nesimba kuti ndirambe ndiri mubati wemaWarriors,” anodaro Chipezeze.

MaWarriors akabudirira kupinda mumapoka (group stages) ekurwira kuenda kuQatar 2022 World zvichitevera kuhwina kwaakaita 3 -1 nemusi weChipiri chino.

Vatambi vanoti Marshall Munetsi, Knowx Mutizwa naKhama Billiat ndivo vakanwisa.

Mumutambo wekutanga wakatambirwa kuDjibouti svondo radarika, maWarriors akakundwa neSomalia 1 – 0.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×