MAONERO EDU: Zororai murugare Cde Mugabe

GORE dema rakafukidza nyika ino nemusi weChishanu chadarika zvichitevera kushaika kwevaimbove mutungamiri weZimbabwe, Cde Robert Gabriel Mugabe.

Cde Mugabe vakashaikira kuSingapore uko vange vachirapwa.

Zimbabwe yarasikirwa zvikuru nekushaika kwemhare yehondo yeChimurenga yekurwira rusununguko rwenyika ino.

Haisi Zimbabwe yoga yarasikirwa nekushaika kwaCde Mugabe, asi kuti neAfrica nepasi rose.

Mashoko enyaradzo ari kubva kuvatungamiriri venyika dzakasiyana, kusanganisira vaimbova vatungamiri venyika idzi, anoratidza kuti Cde Mugabe vaive munhu akadini.

Cde Mugabe nevamwe vavo panguva yehondo yerusununguko vakarwa vamire chinangwa chiri chekuti Zimbabwe iwane kuzvitonga kuzere.

Zvaida hutungamiriri hune gwara, hwakazvipira pamwe chete nehushingi pakutungamirira hondo iyi.

Kune vakawanda vakadududza kana kuti vakapedzisira vave vatengesi vodyidzana nehurumende yemabhunu, asi Cde Mugabe nevamwe vavo – vapenyu nevakafa – vakaramba vachitevera gwara reChimurenga kusvikira Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere.

Pakawana nyika ino rusununguko, Cde Mugabe vakatungamira zvine hunyanzvi uye nechiono.

Izvi zvakaona muZimbabwe muchiitika budiriro huru munyaya dzedzidzo zviakaita kuti nyika ino ive pamusoro pedzimwe dzose muAfrica pakuve nevanhu vanogona kunyora nekuverenga.

Pakave nekusimukira zvakare muchikamu cheutano kuburikidza nekuvakwa kwezvipatara nemakiriniki kumativi mana enyika, kusiyana nepanguva yehutongi hwevachena.

Cde Mugabe vakaratidza kuti imhare apo Hurumende yakaita chirongwa chekutora ivhu kubva kuvachena ichiripa kuruzhinji rwevatema.

Nyaya yekutorwa kwevhu iyi yakakonzera kugeda-geda kwemeno, zvikuru kunyika dzekumadokera – asi Cde Mugabe havana kumbobvira vatsukunyuka panhau iyoyi.

Zimbabwe yakatemerwa zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo nenyika dzekumadokero pamwe neshamwari dzadzo nekuda kwenyaya yekutora ivhu richipihwa kuvanhu vatema.

Asi, Cde Mugabe havana kumbovhundutswa nazvo.

Hondo yerusununguko yakarwiwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvidzoserwe ivhu rakakorera rakange ratorwa nevachena zvichipihwa kudurunhuru kwaive nerukangarabwe.

Izvi zvinoreva kuti kunyangwe nyika ino yaive yawana kuzvitonga kuzere, rusununguko urwu rwainge rwusina kuzadzikiswa kudai vachena vakaramba vari ivo vane vevhu rakakorera uku vatema vasina.

Ivhu ndiyo nyika, nhaka yemusiidzanwa.

Cde Mugabe vaizivikanwa pasi rose semutungamiriri anotaura nehushingi uye vasingatye panyaya dzekurwira kodzero dzevanhu vatema. Shungu dzavo dzaive dzekuti vanhu vatema vazvitonge uye vadye huchi nemukaka wenyika dzavo.

Havaitya kutaurira nyika dzakadai seUnited States kana Britain kuti dzisakonzere kusapindirana kwenyika dzemuAfrica.

Zimbabwe nepasi rose varasikirwa zvikuru nekushaika kwaCde Mugabe.

Mabasa avo achagara ari mundangariro kasingaperi.

Tinoti fambai zvakanaka Gushungo uye zororai murugare gamba remagamba!

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×