‘Ndichakutumira matsotsi akuponde’

Ashley Muchamiri

MURUME wemuHarare anoti akasvika pakubva pamba pake achitiza kushungurudzwa neaimbove mudzimai wake uyo aigara achimuudza kuti anoda kumutumira matsotsi kuti amuponde.

Joseph Juma akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira Olivia Nyao achiti anomushungurudza zvakanyanyisa.

“Ishe wangu, ndinonzwa kurwadziwa zvikuru nekushungurudzwa nemukadzi uyu. Ndakatobva pamba pataigara tose svondo rino.

“Mukadzi uyu anoti anoda kunditumira matsotsi ekuti andiponde ndife, saka ndava kutya kuti ndinogona kungouraiwa nematsotsi,” anodaro.

Juma anoti anoda kuti Nyao amupe mari yaakamubira vachiri kugara vose.

“Ini nemudzimai uyu tagara tichinetsana nekuti aive asingaterere uye ndinodawo mari yangu yaakatora mubhegi rangu,” anodaro.

Nyao anopokana naJuma achiti ndiye ari kutomushungurudza.

“Ini handimushungurudze asi ndiye anotondishungurudza achinditumira zvinyadzi panhare nekundituka,” anodaro.

Anoti rimwe zuva akambotema Juma nechidhinha mushure mekunge amudzura vhudzi mumusoro.

“Rimwe zuva ndakadzosera murume uyu nekumutema nechidhina mushure mekunge andidzura vhudzi mumusoro uye harichamera,” anodaro.

Anoti haadi kuti Juma apote achimutevera kwaanenge aenda.

“Ndinotokumbirawo pamberi pedare kuti murume uyu asarambe achinditevera kwandinenge ndiri kana kwandinoenda nekuti handichadi kuramba ndichinetsana naye,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Juma gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *